1Erihu akapfuurawo, akati,
1ויסף אליהוא ויאמר׃
2Nditenderei henyu zvishoma, ndikuratidzei; nekuti ndichine zvimwe zvandinoda kutaura pamusoro paMwari.
2כתר לי זעיר ואחוך כי עוד לאלוה מלים׃
3Ndichatora zivo yangu kure, Ndicharatidza kuti Muiti wangu akarurama.
3אשא דעי למרחוק ולפעלי אתן צדק׃
4nekuti zvirokwazvo, mashoko angu haane nhema; Mumwe akakwana pazivo unemi.
4כי אמנם לא שקר מלי תמים דעות עמך׃
5Tarirai, Mwari ane simba, asi haashori munhu; imhare pasimba renjere.
5הן אל כביר ולא ימאס כביר כח לב׃
6Haachengeti upenyu hwevakaipa; Asi anoruramisira vanotambudzika.
6לא יחיה רשע ומשפט עניים יתן׃
7Haaregi kutarira vakarurama nameso ake; Asi anovagarisa pachigaro choushe pamwechete namadzimambo, Anovagarisa nokusingaperi, vachikudzwa.
7לא יגרע מצדיק עיניו ואת מלכים לכסא וישיבם לנצח ויגבהו׃
8Asi kana vachinge vasungwa namaketani, Kana kubatwa namabote okutambudzika;
8ואם אסורים בזקים ילכדון בחבלי עני׃
9Ipapo unovazivisa mabasa avo, Nokudarika kwavo, kuti vakafamba vachizvikudza.
9ויגד להם פעלם ופשעיהם כי יתגברו׃
10Unodziurawo nzeve dzavo vanzwe kuraira kwake, Unovaraira kuti vadzoke pazvakaipa zvavo.
10ויגל אזנם למוסר ויאמר כי ישבון מאון׃
11Kana vakamunzwa nokumushumira, Vachapedzisa mazuva avo vachifara, Namakore avo vari pane zvinofadza.
11אם ישמעו ויעבדו יכלו ימיהם בטוב ושניהם בנעימים׃
12Asi kana vakaramba kuteerera, vachapera nomunondo, Vachafa vasina zivo.
12ואם לא ישמעו בשלח יעברו ויגועו בבלי דעת׃
13Asi vasingadi Mwari pamoyo vanozviunganidzira kutsamwa; Havaridzi mhere kuti vabatsirwe kana achivasunga.
13וחנפי לב ישימו אף לא ישועו כי אסרם׃
14Vanofa vachiri vaduku, Hupenyu hwavo hunopera sohwavasina kururama.
14תמת בנער נפשם וחיתם בקדשים׃
15Anorwira anotambudzika pakutambudzika kwake, Unodziura nzeve dzavo pakumanikidzwa kwavo.
15יחלץ עני בעניו ויגל בלחץ אזנם׃
16Zvirokwazvo, akanga achida kukubvisai panjodzi Kukusvitsai panzvimbo yakafara, pasina kumanikana; Kuti zvinoiswa patafura yenyu zvive zvizere namafuta.
16ואף הסיתך מפי צר רחב לא מוצק תחתיה ונחת שלחנך מלא דשן׃
17Asi imwi muzere nokutonga vakaipa; Kutonga nokururamisira zvinokubatai.
17ודין רשע מלאת דין ומשפט יתמכו׃
18nekuti chenjerai kuti kutsamwa kurege kukusvitsai pakudadira; ukuru bwedzikunuro hurege kukutsausai.
18כי חמה פן יסיתך בספק ורב כפר אל יטך׃
19Ko fuma yenyu ingaringana, kuti murege kutambudzika here, Uye simba renyu rose-rose here?
19היערך שועך לא בצר וכל מאמצי כח׃
20Musashuva usiku apo ndudzi dzinobviswa panzvimbo yadzo.
20אל תשאף הלילה לעלות עמים תחתם׃
21Chenjerai, regai kurangarira zvakaipa; nekuti ndizvo zvamakasanangura kupfuura kutambudzika.
21השמר אל תפן אל און כי על זה בחרת מעני׃
22Tarirai, Mwari anoita zvinhu zvikuru nesimba rake; Ndianiko mudzidzisi wakafanana naye?
22הן אל ישגיב בכחו מי כמהו מורה׃
23Ndianiko akamuraira nzira yake? Kana ndianiko angati, Makaita zvisina kururama here?
23מי פקד עליו דרכו ומי אמר פעלת עולה׃
24Rangarirai, kuti murumbidze basa rake, Rakaimbwa navanhu.
24זכר כי תשגיא פעלו אשר שררו אנשים׃
25Vanhu vose vakaritarira; Vanhu vanoriona vari kure.
25כל אדם חזו בו אנוש יביט מרחוק׃
26Tarirai, Mwari mukuru; asi isu hatimuzivi; Kuwanda kwamakore ake hakunganzverwi.
26הן אל שגיא ולא נדע מספר שניו ולא חקר׃
27nekuti anokwevera kumusoro madonhedza emvura, Anoshanduka mvura inonaya ichibva pamwando wawo;
27כי יגרע נטפי מים יזקו מטר לאדו׃
28Inodururwa namakore Ichidonhera yawanda pamusoro pavanhu.
28אשר יזלו שחקים ירעפו עלי אדם רב׃
29Ko kuno munhu anganzwisisa kudhadhanurwa kwamakore, Nokutinhira kwetende rake here?
29אף אם יבין מפרשי עב תשאות סכתו׃
30Tarirai, unodhadhanura chiedza chake kunhivi dzake dzose; Unofukidza pasi pegungwa.
30הן פרש עליו אורו ושרשי הים כסה׃
31nekuti naizvozvi anotonga ndudzi dzavanhu; Anovapa zvokudya zvizhinji.
31כי בם ידין עמים יתן אכל למכביר׃
32Anofukidza maoko ake nemheni; Nokuiraira kuti irove payakaratidzwa.
32על כפים כסה אור ויצו עליה במפגיע׃
33Mubvumo wayo unomuzivisa, Nemombewo dzinonzwa kuti unouya.
33יגיד עליו רעו מקנה אף על עולה׃