Shona

Hebrew: Modern

Psalms

103

1Rumbidza Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene.
1לדוד ברכי נפשי את יהוה וכל קרבי את שם קדשו׃
2Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukangamwa mikomborero yake;
2ברכי נפשי את יהוה ואל תשכחי כל גמוליו׃
3Iye, anokangamwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kose;
3הסלח לכל עונכי הרפא לכל תחלאיכי׃
4Anodzikunura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro netsitsi;
4הגואל משחת חייכי המעטרכי חסד ורחמים׃
5Anogutisa moyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.
5המשביע בטוב עדיך תתחדש כנשר נעוריכי׃
6Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa.
6עשה צדקות יהוה ומשפטים לכל עשוקים׃
7Akazivisa Mozisi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita.
7יודיע דרכיו למשה לבני ישראל עלילותיו׃
8Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane tsitsi zhinji.
8רחום וחנון יהוה ארך אפים ורב חסד׃
9Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.
9לא לנצח יריב ולא לעולם יטור׃
10Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
10לא כחטאינו עשה לנו ולא כעונתינו גמל עלינו׃
11nekuti sokukwirira kokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwetsitsi dzake kuna vanomutya.
11כי כגבה שמים על הארץ גבר חסדו על יראיו׃
12Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kose kure nesu.
12כרחק מזרח ממערב הרחיק ממנו את פשעינו׃
13Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
13כרחם אב על בנים רחם יהוה על יראיו׃
14Nekuti iye anoziva chatakaitwa nacho, Anorangarira kuti tiri guruva.
14כי הוא ידע יצרנו זכור כי עפר אנחנו׃
15Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa; Seruva resango, iye anokura saizvozvo.
15אנוש כחציר ימיו כציץ השדה כן יציץ׃
16Nekuti imhepo inopfuura pamusoro paro, onei raenda; Nenzvimbo yaro haicharizivi.
16כי רוח עברה בו ואיננו ולא יכירנו עוד מקומו׃
17Asi tsitsi dzaJehovha dziripo nokusingaperi-peri kuna vanomutya, Nokururama kwake kuvana vavana vavo;
17וחסד יהוה מעולם ועד עולם על יראיו וצדקתו לבני בנים׃
18kuna ivo vanochengeta sungano yake, Nokuna vanorangarira zvaakaraira, kuti vazviite.
18לשמרי בריתו ולזכרי פקדיו לעשותם׃
19Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; Ushe hwake hunobata zvinhu zvose.
19יהוה בשמים הכין כסאו ומלכותו בכל משלה׃
20Rumbidzai Jehovha, imwi vatumwa vake; imwi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, Muchiteerera inzwi reshoko rake.
20ברכו יהוה מלאכיו גברי כח עשי דברו לשמע בקול דברו׃
21Rumbidzai Jehovha, imwi hondo dzake dzose; imwi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.
21ברכו יהוה כל צבאיו משרתיו עשי רצונו׃
22Rumbidzai Jehovha, imwi mabasa ake ose, Panzvimbo dzose dzoumambo hwake; Rumbidza Jehovha, mweya wangu!
22ברכו יהוה כל מעשיו בכל מקמות ממשלתו ברכי נפשי את יהוה׃