1Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
1הודו ליהוה קראו בשמו הודיעו בעמים עלילותיו׃
2Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
2שירו לו זמרו לו שיחו בכל נפלאותיו׃
3Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.
3התהללו בשם קדשו ישמח לב מבקשי יהוה׃
4Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose.
4דרשו יהוה ועזו בקשו פניו תמיד׃
5Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake;
5זכרו נפלאותיו אשר עשה מפתיו ומשפטי פיו׃
6imwi vana vaAbhurahamu, muranda wake, imwi vanakomana vaJakove, vasanangurwa vake.
6זרע אברהם עבדו בני יעקב בחיריו׃
7Ndiye Jehovha Mwari wedu; Zvaakatonga zviri pasi pose.
7הוא יהוה אלהינו בכל הארץ משפטיו׃
8Wakarangarira sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru;
8זכר לעולם בריתו דבר צוה לאלף דור׃
9Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka.
9אשר כרת את אברהם ושבועתו לישחק׃
10Akazvisimbisira Jakove, kuti uve mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi;
10ויעמידה ליעקב לחק לישראל ברית עולם׃
11Achiti, Ndichakupa iwe nyika yeKanani, Uve mugove wenhaka yenyu;
11לאמר לך אתן את ארץ כנען חבל נחלתכם׃
12Panguva yavakanga vachiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo, vashoma kwazvo, navatorwa mairi;
12בהיותם מתי מספר כמעט וגרים בה׃
13Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunohumwe ushe vachienda kuna vamwe vanhu.
13ויתהלכו מגוי אל גוי מממלכה אל עם אחר׃
14Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo, wakatuka madzimambo nokuda kwavo;
14לא הניח אדם לעשקם ויוכח עליהם מלכים׃
15Achiti, Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.
15אל תגעו במשיחי ולנביאי אל תרעו׃
16Akadana nzara kuti iuye panyika; Akavhuna mudonzvo wose wechingwa.
16ויקרא רעב על הארץ כל מטה לחם שבר׃
17Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda;
17שלח לפניהם איש לעבד נמכר יוסף׃
18Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare;
18ענו בכבל רגליו ברזל באה נפשו׃
19Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJehovha rakamuidza.
19עד עת בא דברו אמרת יהוה צרפתהו׃
20Mambo akatuma nhume akamusunungura; Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza.
20שלח מלך ויתירהו משל עמים ויפתחהו׃
21Akamuita ishe weimba yake, Nomubati wefuma yake yose;
21שמו אדון לביתו ומשל בכל קנינו׃
22Kuti araire machinda ake nokuda kwake, Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri.
22לאסר שריו בנפשו וזקניו יחכם׃
23Isiraeri akasvikawo Egipita, NaJakove wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.
23ויבא ישראל מצרים ויעקב גר בארץ חם׃
24Akawanza vanhu vake kwazvo, Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo.
24ויפר את עמו מאד ויעצמהו מצריו׃
25Wakashandura moyo yavo kuti vavenge vanhu vake, kuti vanyengere varanda vake.
25הפך לבם לשנא עמו להתנכל בעבדיו׃
26Akatuma Mozisi muranda wake, NaAroni waakanga asanangura.
26שלח משה עבדו אהרן אשר בחר בו׃
27Ivo vakaratidza zviratidzo zvake pakati pavo, Nezvishamiso panyika yaHamu.
27שמו בם דברי אתותיו ומפתים בארץ חם׃
28Akatuma rima, akaisvibisa; Vakasamukira mashoko ake.
28שלח חשך ויחשך ולא מרו את דבריו׃
29Akashandura mvura yavo yose, ikaita ropa, Akauraya hove dzavo.
29הפך את מימיהם לדם וימת את דגתם׃
30Nyika yavo yakazara namatacha, Mudzimba dzamadzimambo avo.
30שרץ ארצם צפרדעים בחדרי מלכיהם׃
31Akataura, mapupira enhunzi akasvika, Nenda panyika yavo yose.
31אמר ויבא ערב כנים בכל גבולם׃
32Akavapa chimvuramabwe panzvimbo yemvura, Uye moto wakapfuta munyika yavo.
32נתן גשמיהם ברד אש להבות בארצם׃
33Wakarovawo mizambiringa yavo nemionde yavo; Akavhuna-vhunawo miti yenyika yavo
33ויך גפנם ותאנתם וישבר עץ גבולם׃
34Akataura, mhashu dzikasvika, Namagwatakwata asingagoni kuverengwa.
34אמר ויבא ארבה וילק ואין מספר׃
35Zvikapedza miriwo yose munyika yavo, Nokupedza zvibereko zvevhu ravo.
35ויאכל כל עשב בארצם ויאכל פרי אדמתם׃
36Akarovawo matangwe ose munyika yavo, Ivo vokutanga vesimba ravo rose.
36ויך כל בכור בארצם ראשית לכל אונם׃
37Akavabudisa vane sirivha nendarama; Kwakanga kusina nomumwe pakati pamarudzi avo wakashaiwa simba.
37ויוציאם בכסף וזהב ואין בשבטיו כושל׃
38Nyika yeEgipita yakafara pakubva kwavo, nekuti vakanga vabatwa nokutya nokuda kwavo.
38שמח מצרים בצאתם כי נפל פחדם עליהם׃
39Wakatatamura gore rikava chifukidzo; Nomoto kuzovhenekera usiku.
39פרש ענן למסך ואש להאיר לילה׃
40Vakakumbira, akauyisa zvihuta, Akavagutisa nechingwa chakabva kudenga.
40שאל ויבא שלו ולחם שמים ישביעם׃
41Akazarura dombo, mvura zhinji ikadzutuka; Ikayerera pakanga pakaoma sorwizi.
41פתח צור ויזובו מים הלכו בציות נהר׃
42Nekuti akarangarira shoko rake dzvene, NaAbhurahamu muranda wake.
42כי זכר את דבר קדשו את אברהם עבדו׃
43Akabudisa vanhu vake nomufaro, Navasanangurwa vake vachiimba.
43ויוצא עמו בששון ברנה את בחיריו׃
44Akavapa nyika dzavahedheni; Vakazvitorera zvakanga zvabatwa nendudzi dzavanhu;
44ויתן להם ארצות גוים ועמל לאמים יירשו׃
45Kuti vachengete zvaakatema, Nokuteerera mirairo yake. Hareruya.
45בעבור ישמרו חקיו ותורתיו ינצרו הללו יה׃