Shona

Hebrew: Modern

Psalms

106

1Hareruya. Vongai Jehovha, nekuti akanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
1הללויה הודו ליהוה כי טוב כי לעולם חסדו׃
2Ndianiko angareva zvinhu zvine simba zvakaitwa naJehovha, Kana kududzira kurumbidza kwake kose?
2מי ימלל גבורות יהוה ישמיע כל תהלתו׃
3Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, Naiye anoita zvakarurama nguva dzose.
3אשרי שמרי משפט עשה צדקה בכל עת׃
4Ndirangarirei Jehovha, nounyoro hwamunahwo kuvanhu venyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu.
4זכרני יהוה ברצון עמך פקדני בישועתך׃
5Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu, Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu, Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu.
5לראות בטובת בחיריך לשמח בשמחת גויך להתהלל עם נחלתך׃
6Takatadza pamwechete namadzibaba edu, Takaita pamwechete namadzibaba edu, Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa.
6חטאנו עם אבותינו העוינו הרשענו׃
7Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paEgipita; Haana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji; Asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku.
7אבותינו במצרים לא השכילו נפלאותיך לא זכרו את רב חסדיך וימרו על ים בים סוף׃
8Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, Kuti azivise simba rake guru.
8ויושיעם למען שמו להודיע את גבורתו׃
9Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa, Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani.
9ויגער בים סוף ויחרב ויוליכם בתהמות כמדבר׃
10Akavaponesa paruoko rwowaivavenga. Akavadzikunura paruoko rwomuvengi.
10ויושיעם מיד שונא ויגאלם מיד אויב׃
11Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara.
11ויכסו מים צריהם אחד מהם לא נותר׃
12Ipapo vakatenda mashoko ake; Vakaimba vachimurumbidza.
12ויאמינו בדבריו ישירו תהלתו׃
13Vakachimbidzika kukangamwa mabasa ake; Havana kurindira zano rake.
13מהרו שכחו מעשיו לא חכו לעצתו׃
14Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje, Vakaidza Mwari mugwenga.
14ויתאוו תאוה במדבר וינסו אל בישימון׃
15Akavapa chavakakumbira; Asi akatuma kuonda mumweya yavo.
15ויתן להם שאלתם וישלח רזון בנפשם׃
16Vakagodora Mozisi pamisasa, NaAroni, mutsvene waJehovha.
16ויקנאו למשה במחנה לאהרן קדוש יהוה׃
17Pasi pakashama pakamedza Dhatani, Pakafukidza boka raAbhirami.
17תפתח ארץ ותבלע דתן ותכס על עדת אבירם׃
18Moto ukapfuta pakati peboka ravo; Murazvo ukapisa vakaipa.
18ותבער אש בעדתם להבה תלהט רשעים׃
19Vakaita mhuru paHorebhi, Vakanamata mufananidzo wakaumbwa.
19יעשו עגל בחרב וישתחוו למסכה׃
20Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo Nomufananidzo wemombe, inochera bundo.
20וימירו את כבודם בתבנית שור אכל עשב׃
21Vakakangamwa Mwari muponesi wavo, Wakaita zvinhu zvikuru paEgipita;
21שכחו אל מושיעם עשה גדלות במצרים׃
22Mabasa anoshamisa munyika yaHamu, Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.
22נפלאות בארץ חם נוראות על ים סוף׃
23Saka akati, Ndinoda kuvaparadza; Dai Mozisi musanangurwa wake asina kumira pamberi pake ipo pakaputsika, Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.
23ויאמר להשמידם לולי משה בחירו עמד בפרץ לפניו להשיב חמתו מהשחית׃
24Zvirokwazvo, vakazvidza nyika inofadza, Havana kutenda shoko rake;
24וימאסו בארץ חמדה לא האמינו לדברו׃
25Asi vakanyunyuta mumatende avo, Vakasateerera inzwi raJehovha.
25וירגנו באהליהם לא שמעו בקול יהוה׃
26Saka wakavasimudzira ruoko rwake. Kuti avaparadze murenje;
26וישא ידו להם להפיל אותם במדבר׃
27Uye kuti aparadze vana vavo pakati pavahedheni. Avaparadzire panyika dzose.
27ולהפיל זרעם בגוים ולזרותם בארצות׃
28Vakazvibatanidzawo naBhaaripeori, Vakadya zvakabayirwa vakafa.
28ויצמדו לבעל פעור ויאכלו זבחי מתים׃
29Naizvozvo vakamutsamwisa nezvavakaita; Denda ndokupinda pakati pavo.
29ויכעיסו במעלליהם ותפרץ בם מגפה׃
30Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita zvakarurama; Denda ndokuguma.
30ויעמד פינחס ויפלל ותעצר המגפה׃
31Izvozvo zvikanzi kwaari kururama, Kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.
31ותחשב לו לצדקה לדר ודר עד עולם׃
32Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha, Naizvozvo Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo.
32ויקציפו על מי מריבה וירע למשה בעבורם׃
33Nekuti vakamukira mweya wake, Iye akataura nehasha nemiromo yake.
33כי המרו את רוחו ויבטא בשפתיו׃
34Havana kuparadza ndudzi dzavanhu, Sezvavakanga varairwa naJehovha,
34לא השמידו את העמים אשר אמר יהוה להם׃
35Asi vakavengana navahedheni, Vakadzidza mabasa avo;
35ויתערבו בגוים וילמדו מעשיהם׃
36Vakashumira zvifananidzo zvavo; Izvo zvikava musungo kwavari.
36ויעבדו את עצביהם ויהיו להם למוקש׃
37Zvirokwazvo, vakabayira mweya yakaipa vanakomana vavo navanasikana vavo,
37ויזבחו את בניהם ואת בנותיהם לשדים׃
38Vakateura ropa risina mhosva, iro ravanakomana vavo navanasikana vavo, Vakavabayira zvifananidzo zveKanani; Nyika ikasvibiswa neropa.
38וישפכו דם נקי דם בניהם ובנותיהם אשר זבחו לעצבי כנען ותחנף הארץ בדמים׃
39Vakasvibiswa saizvozvo namabasa avo, Vakapata pane zvavakaita.
39ויטמאו במעשיהם ויזנו במעלליהם׃
40Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, Akasema nhaka yake.
40ויחר אף יהוה בעמו ויתעב את נחלתו׃
41Akavaisa muruoko rwavahedheni; Vakavavenga ndivo vaivabata.
41ויתנם ביד גוים וימשלו בהם שנאיהם׃
42Vavengi vavo vakavamanikidzawo, Vakaiswa pasi poruoko rwavo.
42וילחצום אויביהם ויכנעו תחת ידם׃
43Akavarwira kazhinji, Asi vakamumukira pakurangana kwavo, Vakanyudzwa muzvakaipa zvavo.
43פעמים רבות יצילם והמה ימרו בעצתם וימכו בעונם׃
44Kunyange zvakadaro akatarira kutambudzika kwavo, Panguva yaakanzwa kuchema kwavo;
44וירא בצר להם בשמעו את רנתם׃
45Akarangarira sungano yake nokuda kwavo, Akazvidemba nokuda kokuwanda kwetsitsi dzake.
45ויזכר להם בריתו וינחם כרב חסדו׃
46Akavanzwisawo tsitsi Navose vakanga vavatapa.
46ויתן אותם לרחמים לפני כל שוביהם׃
47Tiponesei, Jehovha Mwari wedu, Tiunganidzei, tibve pakati pavahedheni, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai.
47הושיענו יהוה אלהינו וקבצנו מן הגוים להדות לשם קדשך להשתבח בתהלתך׃
48Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, Ameni. Hareruya.
48ברוך יהוה אלהי ישראל מן העולם ועד העולם ואמר כל העם אמן הללו יה׃