Shona

Hebrew: Modern

Psalms

107

1Vongai Jehovha, nekuti iye wakanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi
1הדו ליהוה כי טוב כי לעולם חסדו׃
2Vakadzikunurwa naJehovha ngavadaro, Ivo vakadzikunurwa muruoko rwomudzivisi;
2יאמרו גאולי יהוה אשר גאלם מיד צר׃
3Akavavunganidza panyika dzose kumabvazuva nekumavirira, kumusoro nezasi.
3ומארצות קבצם ממזרח וממערב מצפון ומים׃
4vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga;Havana kuwana muguta mavangagara
4תעו במדבר בישימון דרך עיר מושב לא מצאו׃
5vakafa nenzara nenyota,Mweya yavo ikaziya mukati mavo.
5רעבים גם צמאים נפשם בהם תתעטף׃
6Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo.
6ויצעקו אל יהוה בצר להם ממצוקותיהם יצילם׃
7Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara.
7וידריכם בדרך ישרה ללכת אל עיר מושב׃
8Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
8יודו ליהוה חסדו ונפלאותיו לבני אדם׃
9Nekuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
9כי השביע נפש שקקה ונפש רעבה מלא טוב׃
10Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare,
10ישבי חשך וצלמות אסירי עני וברזל׃
11nekuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano reWekumusoro-soro;
11כי המרו אמרי אל ועצת עליון נאצו׃
12Saka wakaninipisa moyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira.
12ויכנע בעמל לבם כשלו ואין עזר׃
13Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamatambudziko avo.
13ויזעקו אל יהוה בצר להם ממצקותיהם יושיעם׃
14Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo.
14יוציאם מחשך וצלמות ומוסרותיהם ינתק׃
15Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
15יודו ליהוה חסדו ונפלאותיו לבני אדם׃
16nekuti wakavhuna masuwo endarira, Nokuguranya mazariro amatare.
16כי שבר דלתות נחשת ובריחי ברזל גדע׃
17Mapenzi anotambudzika nokuda kokudarika kwavo, Uye nokuda kwezvakaipa zvavo.
17אולים מדרך פשעם ומעונתיהם יתענו׃
18Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedo namasuwo orufu.
18כל אכל תתעב נפשם ויגיעו עד שערי מות׃
19Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamatambudziko avo.
19ויזעקו אל יהוה בצר להם ממצקותיהם יושיעם׃
20Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, nokuvarwira pahunza.
20ישלח דברו וירפאם וימלט משחיתותם׃
21Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
21יודו ליהוה חסדו ונפלאותיו לבני אדם׃
22Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba.
22ויזבחו זבחי תודה ויספרו מעשיו ברנה׃
23Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji;
23יורדי הים באניות עשי מלאכה במים רבים׃
24Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika.
24המה ראו מעשי יהוה ונפלאותיו במצולה׃
25nekuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro.
25ויאמר ויעמד רוח סערה ותרומם גליו׃
26Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo.
26יעלו שמים ירדו תהומות נפשם ברעה תתמוגג׃
27Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano.
27יחוגו וינועו כשכור וכל חכמתם תתבלע׃
28Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo.
28ויצעקו אל יהוה בצר להם וממצוקתיהם יוציאם׃
29Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara.
29יקם סערה לדממה ויחשו גליהם׃
30Ipapo vanofara nekuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo.
30וישמחו כי ישתקו וינחם אל מחוז חפצם׃
31Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kokunaka kwake Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!.
31יודו ליהוה חסדו ונפלאותיו לבני אדם׃
32Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru.
32וירממוהו בקהל עם ובמושב זקנים יהללוהו׃
33Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma;
33ישם נהרות למדבר ומצאי מים לצמאון׃
34Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi.
34ארץ פרי למלחה מרעת ישבי בה׃
35Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura.
35ישם מדבר לאגם מים וארץ ציה למצאי מים׃
36Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo;
36ויושב שם רעבים ויכוננו עיר מושב׃
37Vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji.
37ויזרעו שדות ויטעו כרמים ויעשו פרי תבואה׃
38Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa.
38ויברכם וירבו מאד ובהמתם לא ימעיט׃
39Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya moyo.
39וימעטו וישחו מעצר רעה ויגון׃
40Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira.
40שפך בוז על נדיבים ויתעם בתהו לא דרך׃
41Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai.
41וישגב אביון מעוני וישם כצאן משפחות׃
42Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo.
42יראו ישרים וישמחו וכל עולה קפצה פיה׃
43Ani naani akachenjera achacherekedza zvinhu izvozvi, Vachafunga unyoro hwaJehovha. Mwari Mubatsiri wedu
43מי חכם וישמר אלה ויתבוננו חסדי יהוה׃