Shona

Hebrew: Modern

Psalms

109

1Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu;
1למנצח לדוד מזמור אלהי תהלתי אל תחרש׃
2nekuti vakandishamisira muromo wowakaipa, uye muromo unonyengedzera; Vakandireva norurimi rune nhema.
2כי פי רשע ופי מרמה עלי פתחו דברו אתי לשון שקר׃
3Vakandikombawo namashoko embengo, Vakarwa neni pasina mhosva.
3ודברי שנאה סבבוני וילחמוני חנם׃
4Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu; Asi ini ndinonyengetera hangu.
4תחת אהבתי ישטנוני ואני תפלה׃
5Vakanditsivira zvakaipa pane zvakanaka, zvandakavaitira, Nembengo pakuvada kwangu.
5וישימו עלי רעה תחת טובה ושנאה תחת אהבתי׃
6Isai munhu akaipa ave ishe wake; Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi.
6הפקד עליו רשע ושטן יעמד על ימינו׃
7Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva; Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi.
7בהשפטו יצא רשע ותפלתו תהיה לחטאה׃
8Mazuva ake ngaave mashoma; Mumwe ngaatore basa rake.
8יהיו ימיו מעטים פקדתו יקח אחר׃
9Vana vake ngavave nherera, Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.
9יהיו בניו יתומים ואשתו אלמנה׃
10Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi; Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo.
10ונוע ינועו בניו ושאלו ודרשו מחרבותיהם׃
11Waakadyira chikwereti ngaatore zvose zvaanazvo; Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira.
11ינקש נושה לכל אשר לו ויבזו זרים יגיעו׃
12Ngakushaikwe munhu anomunzwira tsitsi; Ngakushaikwe munhu anetsitsi nenherera dzake.
12אל יהי לו משך חסד ואל יהי חונן ליתומיו׃
13Vana vake ngavarove; Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera.
13יהי אחריתו להכרית בדור אחר ימח שמם׃
14Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naJehovha; Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa.
14יזכר עון אבתיו אל יהוה וחטאת אמו אל תמח׃
15Ngazvirambe zviri pamberi paJehovha nguva dzose, Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi.
15יהיו נגד יהוה תמיד ויכרת מארץ זכרם׃
16Nemhaka yokuti haana kurangarira kunzwira tsitsi, Asi wakatambudza murombo nomushaiwi, Neanomoyo wakaputsika, kuti avauraye.
16יען אשר לא זכר עשות חסד וירדף איש עני ואביון ונכאה לבב למותת׃
17Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada, zvikauyawo kwaari; Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye.
17ויאהב קללה ותבואהו ולא חפץ בברכה ותרחק ממנו׃
18Akazvifukidzawo nokutuka, zvikaita senguvo yake, Zvikapinda mukati make semvura, Samafuta mumafupa ake.
18וילבש קללה כמדו ותבא כמים בקרבו וכשמן בעצמותיו׃
19Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho, Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose.
19תהי לו כבגד יעטה ולמזח תמיד יחגרה׃
20Uyu ndiwo mubayiro wavadzivisi vangu, unobva kuna Jehovha, nowavanotaurira mweya wangu zvakaipa.
20זאת פעלת שטני מאת יהוה והדברים רע על נפשי׃
21Asi imwi Jehovha Ishe, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; tsitsi dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei.
21ואתה יהוה אדני עשה אתי למען שמך כי טוב חסדך הצילני׃
22nekuti ndiri murombo nomushaiwi, Nomoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.
22כי עני ואביון אנכי ולבי חלל בקרבי׃
23Ndaenda somumvuri wareba; Ndapepereswa semhashu.
23כצל כנטותו נהלכתי ננערתי כארבה׃
24Mabvi angu haachine simba nokutsanya; Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta.
24ברכי כשלו מצום ובשרי כחש משמן׃
25Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo; Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo.
25ואני הייתי חרפה להם יראוני יניעון ראשם׃
26Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; Ndiponesei netsitsi dzenyu.
26עזרני יהוה אלהי הושיעני כחסדך׃
27Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu; Kuti imwi Jehovha, ndimwi makazviita.
27וידעו כי ידך זאת אתה יהוה עשיתה׃
28Ngavatuke havo, asi imwi ropafadzai; Kana vachisimuka, vachanyadziswa, asi muranda wenyu achafara kwazvo.
28יקללו המה ואתה תברך קמו ויבשו ועבדך ישמח׃
29Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa, Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi.
29ילבשו שוטני כלמה ויעטו כמעיל בשתם׃
30Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji.
30אודה יהוה מאד בפי ובתוך רבים אהללנו׃
31nekuti iye achamira kuruoko rworudyi rwomushaiwi, Kuti amuponese panavanotonga mweya wake.
31כי יעמד לימין אביון להושיע משפטי נפשו׃