1Hareruya! Rumbidzai, imwi varanda vaJehovha, Rumbidzai zita raJehovha.
1הללו יה הללו עבדי יהוה הללו את שם יהוה׃
2Zita raJehovha ngarikudzwe Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
2יהי שם יהוה מברך מעתה ועד עולם׃
3Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
3ממזרח שמש עד מבואו מהלל שם יהוה׃
4Jehovha uri kumusoro kwavahedheni vose, Nokubwinya kwake kumusoro kokudenga-denga.
4רם על כל גוים יהוה על השמים כבודו׃
5Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, Iye anogara kumusoro,
5מי כיהוה אלהינו המגביהי לשבת׃
6Iye anozvidukupisa kuti aone Zviri kudenga napasi?
6המשפילי לראות בשמים ובארץ׃
7Anosimudza murombo abve muguruva, anomumutsa abve padurunhuru;
7מקימי מעפר דל מאשפת ירים אביון׃
8Kuti amugarise pamwechete namachinda, Iwo machinda avanhu vake.
8להושיבי עם נדיבים עם נדיבי עמו׃
9Anogarisa mukadzi asingabereki mumba,ave mai vanofara navana. Hareruya
9מושיבי עקרת הבית אם הבנים שמחה הללו יה׃