1Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro.
1מזמור לאסף אל אלהים יהוה דבר ויקרא ארץ ממזרח שמש עד מבאו׃
2Mwari akapenya Ari paZiyoni, iro rakanaka-naka kwazvo.
2מציון מכלל יפי אלהים הופיע׃
3Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza.
3יבא אלהינו ואל יחרש אש לפניו תאכל וסביביו נשערה מאד׃
4Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake;
4יקרא אל השמים מעל ואל הארץ לדין עמו׃
5Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro.
5אספו לי חסידי כרתי בריתי עלי זבח׃
6Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; nekuti Mwari ndiye mutongi amene.
6ויגידו שמים צדקו כי אלהים שפט הוא סלה׃
7Inzwai vanhu vangu, ndichataura; imwi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu.
7שמעה עמי ואדברה ישראל ואעידה בך אלהים אלהיך אנכי׃
8Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose.
8לא על זבחיך אוכיחך ועולתיך לנגדי תמיד׃
9Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako.
9לא אקח מביתך פר ממכלאתיך עתודים׃
10Nekuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.
10כי לי כל חיתו יער בהמות בהררי אלף׃
11Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu.
11ידעתי כל עוף הרים וזיז שדי עמדי׃
12Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe, nekuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo.
12אם ארעב לא אמר לך כי לי תבל ומלאה׃
13Ko ndingadya nyama yehando, Kana kumwa ropa rembudzi here?
13האוכל בשר אבירים ודם עתודים אשתה׃
14Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wekumusoro-soro mhiko dzako;
14זבח לאלהים תודה ושלם לעליון נדריך׃
15Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.
15וקראני ביום צרה אחלצך ותכבדני׃
16Asi kuneakaipa Jehovha anoti, Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, Nokureva sungano yangu nomuromo wako?
16ולרשע אמר אלהים מה לך לספר חקי ותשא בריתי עלי פיך׃
17Zvaunovenga kurairwa, Nokurasha mashoko angu shure kwako.
17ואתה שנאת מוסר ותשלך דברי אחריך׃
18Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, Unoshamwaridzana nemhombwe.
18אם ראית גנב ותרץ עמו ועם מנאפים חלקך׃
19Unotendera muromo wako kureva zvakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema.
19פיך שלחת ברעה ולשונך תצמיד מרמה׃
20Unogara uchipomera hama yako; Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako.
20תשב באחיך תדבר בבן אמך תתן דפי׃
21Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere; Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose; Asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako.
21אלה עשית והחרשתי דמית היות אהיה כמוך אוכיחך ואערכה לעיניך׃
22Zvino fungai chinhu ichi, imwi vokukangamwa Mwari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri,
22בינו נא זאת שכחי אלוה פן אטרף ואין מציל׃
23Munhu, anobayira chibayiro chokuvonga, unondikudza; Uye anogadzira nzira yake zvakanaka Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.
23זבח תודה יכבדנני ושם דרך אראנו בישע אלהים׃