1Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nekuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.
1למנצח על יונת אלם רחקים לדוד מכתם באחז אתו פלשתים בגת חנני אלהים כי שאפני אנוש כל היום לחם ילחצני׃
2Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose, nekuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.
2שאפו שוררי כל היום כי רבים לחמים לי מרום׃
3Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi.
3יום אירא אני אליך אבטח׃
4MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko?
4באלהים אהלל דברו באלהים בטחתי לא אירא מה יעשה בשר לי׃
5Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.
5כל היום דברי יעצבו עלי כל מחשבתם לרע׃
6Vanoungana, vanovanda, Vanocherekedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu.
6יגורו יצפינו המה עקבי ישמרו כאשר קוו נפשי׃
7Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari.
7על און פלט למו באף עמים הורד אלהים׃
8imwi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumidziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here?
8נדי ספרתה אתה שימה דמעתי בנאדך הלא בספרתך׃
9ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
9אז ישובו אויבי אחור ביום אקרא זה ידעתי כי אלהים לי׃
10MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake.
10באלהים אהלל דבר ביהוה אהלל דבר׃
11Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko?
11באלהים בטחתי לא אירא מה יעשה אדם לי׃
12Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo.
12עלי אלהים נדריך אשלם תודת לך׃
13Nekuti makarwira mweya wangu parufu; hongu makumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu.
13כי הצלת נפשי ממות הלא רגלי מדחי להתהלך לפני אלהים באור החיים׃