1. Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; nekuti mweya wangu unotizira kwamuri; Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kusvikira njodzi dzapfuura.
1למנצח אל תשחת לדוד מכתם בברחו מפני שאול במערה חנני אלהים חנני כי בך חסיה נפשי ובצל כנפיך אחסה עד יעבר הוות׃
2Ndichadanidzira kuna Mwari Wekumusoro-soro; Kuna Mwari anondiitira zvose.
2אקרא לאלהים עליון לאל גמר עלי׃
3Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese, Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora; Mwari achatuma tsitsi dzake nechokwadi chake.
3ישלח משמים ויושיעני חרף שאפי סלה ישלח אלהים חסדו ואמתו׃
4Mweya wangu uri pakati peshumba; Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto, Ivo vanakomana vavanhu, vana meno anenge mapfumo nemiseve, Uye rurimi rwavo munondo unopinza.
4נפשי בתוך לבאם אשכבה להטים בני אדם שניהם חנית וחצים ולשונם חרב חדה׃
5Imwi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
5רומה על השמים אלהים על כל הארץ כבודך׃
6Vakateyira tsoka dzangu mumbure; Mweya wangu wakakotamiswa; Vakachera hunza pamberi pangu; Vawira mukati mayo vamene.
6רשת הכינו לפעמי כפף נפשי כרו לפני שיחה נפלו בתוכה סלה׃
7moyo wangu wakasimba, Mwari, moyo wangu wakasimba; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
7נכון לבי אלהים נכון לבי אשירה ואזמרה׃
8Muka iwe moyo wangu, muka iwe mutengeramwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
8עורה כבודי עורה הנבל וכנור אעירה שחר׃
9Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
9אודך בעמים אדני אזמרך בל אמים׃
10Nekuti tsitsi dzenyu ihuru kusvikira kudenga-denga, chokwadi chenyu inosvikira kudenga rose.
10כי גדל עד שמים חסדך ועד שחקים אמתך׃
11imwi mukudzwe Mwari, kumusoro kokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
11רומה על שמים אלהים על כל הארץ כבודך׃