Shona

Hebrew: Modern

Psalms

62

1Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari; Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu.
1למנצח על ידותון מזמור לדוד אך אל אלהים דומיה נפשי ממנו ישועתי׃
2Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi zvikuru.
2אך הוא צורי וישועתי משגבי לא אמוט רבה׃
3Muchavavarira munhu kusvikira rinhiko, Kuti mumuuraye imwi mose, Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotsveyama?
3עד אנה תהותתו על איש תרצחו כלכם כקיר נטוי גדר הדחויה׃
4Vanongorangana kuti vamusundire pasi abve paukuru hwake; Vanofarira nhema; Vanoropafadza nomuromo wavo, asi vanotuka mumoyo mavo.
4אך משאתו יעצו להדיח ירצו כזב בפיו יברכו ובקרבם יקללו סלה׃
5Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo nekuti ndinomutarira iye.
5אך לאלהים דומי נפשי כי ממנו תקותי׃
6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi.
6אך הוא צורי וישועתי משגבי לא אמוט׃
7Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari.
7על אלהים ישעי וכבודי צור עזי מחסי באלהים׃
8Vimbai naye nguva dzose, imwi vanhu; Dururai moyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro bwedu.
8בטחו בו בכל עת עם שפכו לפניו לבבכם אלהים מחסה לנו סלה׃
9Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya.
9אך הבל בני אדם כזב בני איש במאזנים לעלות המה מהבל יחד׃
10Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana fuma ichiwanda, regai kuinamatira nomoyo.
10אל תבטחו בעשק ובגזל אל תהבלו חיל כי ינוב אל תשיתו לב׃
11Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari;
11אחת דבר אלהים שתים זו שמעתי כי עז לאלהים׃
12Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; nekuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata.
12ולך אדני חסד כי אתה תשלם לאיש כמעשהו׃