1Pururudzai kuna Mwari, imwi nyika dzose;
1למנצח שיר מזמור הריעו לאלהים כל הארץ׃
2Imbirai mukurumbira wezita rake; Rumbidzai kudzo yake.
2זמרו כבוד שמו שימו כבוד תהלתו׃
3Itiyi kuna Mwari, Mabasa enyu anotyisa sei! Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu nemhaka youkuru bwesimba renyu.
3אמרו לאלהים מה נורא מעשיך ברב עזך יכחשו לך איביך׃
4Pasi pose pachanamata kwamuri, Pachakuimbirai; Vachaimbira zita renyu.
4כל הארץ ישתחוו לך ויזמרו לך יזמרו שמך סלה׃
5Uyai, muone mabasa aMwari; Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.
5לכו וראו מפעלות אלהים נורא עלילה על בני אדם׃
6Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma; Vakayambuka rwizi netsoka; Ipapo takafara maari.
6הפך ים ליבשה בנהר יעברו ברגל שם נשמחה בו׃
7Anobata ushe nokusingaperi nesimba rake; Meso ake anocherekedza ndudzi; Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.
7משל בגבורתו עולם עיניו בגוים תצפינה הסוררים אל ירימו למו סלה׃
8Vongai Mwari, imwi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike;
8ברכו עמים אלהינו והשמיעו קול תהלתו׃
9Iye anopa mweya upenyu, Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.
9השם נפשנו בחיים ולא נתן למוט רגלנו׃
10nekuti imwi Mwari makatiidza; Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.
10כי בחנתנו אלהים צרפתנו כצרף כסף׃
11Makatipinza pamumbure; Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.
11הבאתנו במצודה שמת מועקה במתנינו׃
12Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu, Takapinda nomumoto nemvura; Asi makatibudisa kunzvimbo inezvakawanda.
12הרכבת אנוש לראשנו באנו באש ובמים ותוציאנו לרויה׃
13Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa, Ndichakuitirai mhiko dzangu,
13אבוא ביתך בעולות אשלם לך נדרי׃
14Dzakarehwa nemiromo yangu, Dzakataurwa nomuromo wangu pakutambudzika kwangu.
14אשר פצו שפתי ודבר פי בצר לי׃
15Ndichakubayirai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora, Nezvinonhuhwira zvamakondobwe; Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.
15עלות מחים אעלה לך עם קטרת אילים אעשה בקר עם עתודים סלה׃
16Uyai munzwe, imwi mose munotya Mwari, Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.
16לכו שמעו ואספרה כל יראי אלהים אשר עשה לנפשי׃
17Ndakachema kwaari nomuromo wangu, Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.
17אליו פי קראתי ורומם תחת לשוני׃
18Kana ndikarangarira zvakaipa mumoyo mangu, Ishe haangandinzwi;
18און אם ראיתי בלבי לא ישמע אדני׃
19Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa; Akateerera inzwi rokunyengetera kwangu.
19אכן שמע אלהים הקשיב בקול תפלתי׃
20Mwari ngaavongwe, Iye asina kuramba munyengetero wangu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.
20ברוך אלהים אשר לא הסיר תפלתי וחסדו מאתי׃