1Tinokuvongai, Mwari; Tinovonga, nekuti zita renyu riri pedo; Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.
1למנצח אל תשחת מזמור לאסף שיר הודינו לך אלהים הודינו וקרוב שמך ספרו נפלאותיך׃
2Kana ndichiwana nguva yakafanira, Ndichatonga zvakarurama.
2כי אקח מועד אני מישרים אשפט׃
3Pasi pose panyauka navose vagerepo; Ndini ndakamisa mbiru dzayo.
3נמגים ארץ וכל ישביה אנכי תכנתי עמודיה סלה׃
4Ndakati kuna vanamanyawi , Regai kuita namanyawi; Nokuna vakaipa, Regai kusimudza runyanga.
4אמרתי להוללים אל תהלו ולרשעים אל תרימו קרן׃
5Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga; Regai kutaura nomutsipa mukukutu.
5אל תרימו למרום קרנכם תדברו בצואר עתק׃
6Nekuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira, Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.
6כי לא ממוצא וממערב ולא ממדבר הרים׃
7Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.
7כי אלהים שפט זה ישפיל וזה ירים׃
8Nekuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuamwa.
8כי כוס ביד יהוה ויין חמר מלא מסך ויגר מזה אך שמריה ימצו ישתו כל רשעי ארץ׃
9Asi ini ndichaparidza nokusingaperi, Ndichaimbira Mwari waJakove nziyo dzokurumbidza.
9ואני אגיד לעלם אזמרה לאלהי יעקב׃
10Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura; Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.
10וכל קרני רשעים אגדע תרוממנה קרנות צדיק׃