1Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakove pakutapwa.
1למנצח לבני קרח מזמור רצית יהוה ארצך שבת שבות יעקב׃
2Makakangamwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose.
2נשאת עון עמך כסית כל חטאתם סלה׃
3Makabvisa kutsamwa kwenyu kose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.
3אספת כל עברתך השיבות מחרון אפך׃
4Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri.
4שובנו אלהי ישענו והפר כעסך עמנו׃
5Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here?
5הלעולם תאנף בנו תמשך אפך לדר ודר׃
6imwi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi?
6הלא אתה תשוב תחינו ועמך ישמחו בך׃
7Tiratidzei tsitsi dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu.
7הראנו יהוה חסדך וישעך תתן לנו׃
8Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; nekuti achataura rugare kuvanhu vake nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.
8אשמעה מה ידבר האל יהוה כי ידבר שלום אל עמו ואל חסידיו ואל ישובו לכסלה׃
9Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.
9אך קרוב ליראיו ישעו לשכן כבוד בארצנו׃
10Tsitsi nechokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana.
10חסד ואמת נפגשו צדק ושלום נשקו׃
11chokwadi chinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.
11אמת מארץ תצמח וצדק משמים נשקף׃
12Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.
12גם יהוה יתן הטוב וארצנו תתן יבולה׃
13Kururama kuchamutungamirira; Kuchenjerere kunzira dzetsoka dzake.
13צדק לפניו יהלך וישם לדרך פעמיו׃