1Uyo agere panzvimbo yokuvanda yeWekumusoro-soro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose.
1ישב בסתר עליון בצל שדי יתלונן׃
2Ndichati pamusoro paJehovha, Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.
2אמר ליהוה מחסי ומצודתי אלהי אבטח בו׃
3nekuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inouraya zvikuru.
3כי הוא יצילך מפח יקוש מדבר הוות׃
4Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; chokwadi chake inhovo huru neduku.
4באברתו יסך לך ותחת כנפיו תחסה צנה וסחרה אמתו׃
5Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati;
5לא תירא מפחד לילה מחץ יעוף יומם׃
6Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati.
6מדבר באפל יהלך מקטב ישוד צהרים׃
7Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; Asi hazvingaswederi kwauri.
7יפל מצדך אלף ורבבה מימינך אליך לא יגש׃
8uchangozvitarira hako nameso ako Ukaona mubayiro wavakaipa.
8רק בעיניך תביט ושלמת רשעים תראה׃
9Nekuti imwi Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wekumusoro-soro ugaro hwako.
9כי אתה יהוה מחסי עליון שמת מעונך׃
10Hapana chakaipa chingakuwira, Uye hapana hosha ichaswedera patende rako.
10לא תאנה אליך רעה ונגע לא יקרב באהלך׃
11Nekuti iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Kuti vakuchengete panzira dzako dzose.
11כי מלאכיו יצוה לך לשמרך בכל דרכיך׃
12Vachakusimudza pamaoko avo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
12על כפים ישאונך פן תגף באבן רגלך׃
13Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi.
13על שחל ופתן תדרך תרמס כפיר ותנין׃
14Zvaakandida, ndichamurwira; Ndichamuisa pakakwirira, nekuti wakaziva zita rangu.
14כי בי חשק ואפלטהו אשגבהו כי ידע שמי׃
15Iye achadana kwandiri, ndichamupindura; Ini ndichava naye pakutambudzika; Ndichamurwira, nokumukudza.
15יקראני ואענהו עמו אנכי בצרה אחלצהו ואכבדהו׃
16Ndichamugutsa noupenyu hurefu, Nokumuratidza ruponeso rwangu.
16ארך ימים אשביעהו ואראהו בישועתי׃