1Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imwi Wekumusoro-soro;
1מזמור שיר ליום השבת טוב להדות ליהוה ולזמר לשמך עליון׃
2Kuparidza unyoro bwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose,
2להגיד בבקר חסדך ואמונתך בלילות׃
3Nechinoridzwa chine hungiso gumi, nomutengeramwa; Nenzwi rakanaka pambira.
3עלי עשור ועלי נבל עלי הגיון בכנור׃
4nekuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.
4כי שמחתני יהוה בפעלך במעשי ידיך ארנן׃
5Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.
5מה גדלו מעשיך יהוה מאד עמקו מחשבתיך׃
6Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi,
6איש בער לא ידע וכסיל לא יבין את זאת׃
7Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.
7בפרח רשעים כמו עשב ויציצו כל פעלי און להשמדם עדי עד׃
8Asi imwi Jehovha muri kumusoro nokusingaperi.
8ואתה מרום לעלם יהוה׃
9Nekuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, nekuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa.
9כי הנה איביך יהוה כי הנה איביך יאבדו יתפרדו כל פעלי און׃
10Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva.
10ותרם כראים קרני בלתי בשמן רענן׃
11Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira.
11ותבט עיני בשורי בקמים עלי מרעים תשמענה אזני׃
12Wakarurama uchamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni.
12צדיק כתמר יפרח כארז בלבנון ישגה׃
13Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu.
13שתולים בבית יהוה בחצרות אלהינו יפריחו׃
14Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva;
14עוד ינובון בשיבה דשנים ורעננים יהיו׃
15Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari.
15להגיד כי ישר יהוה צורי ולא עלתה בו׃