1Jehovha, Mwari mutsivi, imwi Mwari mutsivi, penyai.
1אל נקמות יהוה אל נקמות הופיע׃
2Zvisimudzei, imwi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira.
2הנשא שפט הארץ השב גמול על גאים׃
3Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi?
3עד מתי רשעים יהוה עד מתי רשעים יעלזו׃
4Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi.
4יביעו ידברו עתק יתאמרו כל פעלי און׃
5Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu.
5עמך יהוה ידכאו ונחלתך יענו׃
6Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya.
6אלמנה וגר יהרגו ויתומים ירצחו׃
7Vachiti, Jehovha haazvioni, Mwari waJakove haazvirangariri.
7ויאמרו לא יראה יה ולא יבין אלהי יעקב׃
8Rangarirai imwi vasina njere pakati pavanhu; nemwi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko?
8בינו בערים בעם וכסילים מתי תשכילו׃
9Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here?
9הנטע אזן הלא ישמע אם יצר עין הלא יביט׃
10Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo haazivi here?
10היסר גוים הלא יוכיח המלמד אדם דעת׃
11Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,) Kuti hazvina maturo.
11יהוה ידע מחשבות אדם כי המה הבל׃
12Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, lye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
12אשרי הגבר אשר תיסרנו יה ומתורתך תלמדנו׃
13Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.
13להשקיט לו מימי רע עד יכרה לרשע שחת׃
14nekuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasii nhaka yake.
14כי לא יטש יהוה עמו ונחלתו לא יעזב׃
15Nekuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane moyo yakarurama vachakutevera.
15כי עד צדק ישוב משפט ואחריו כל ישרי לב׃
16Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa?
16מי יקום לי עם מרעים מי יתיצב לי עם פעלי און׃
17Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii.
17לולי יהוה עזרתה לי כמעט שכנה דומה נפשי׃
18Panguva yandakati, Rutsoka rwangu rwotedzemuka. Tsitsi dzenyu,Jehovha, dzakanditsigira.
18אם אמרתי מטה רגלי חסדך יהוה יסעדני׃
19Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.
19ברב שרעפי בקרבי תנחומיך ישעשעו נפשי׃
20Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemwi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho?
20היחברך כסא הוות יצר עמל עלי חק׃
21Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva.
21יגודו על נפש צדיק ודם נקי ירשיעו׃
22Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu.
22ויהי יהוה לי למשגב ואלהי לצור מחסי׃
23Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.
23וישב עליהם את אונם וברעתם יצמיתם יצמיתם יהוה אלהינו׃