Shona

Italian: Riveduta Bible (1927)

Job

7

1Hakuna kufondoka kumunhu panyika here? Mazuva ake haana kufanana namazuva omubatiri here?
1La vita dell’uomo sulla terra è una milizia; i giorni suoi son simili ai giorni d’un operaio.
2Somuranda anoshuva mumvuri, Nomubatiri anotarira mubairo wake;
2Come lo schiavo anela l’ombra e come l’operaio aspetta il suo salario,
3Saizvozvo ini ndakapiwa mwedzi isina maturo, Ndakatarirwa usiku bwenjodzi.
3così a me toccan mesi di sciagura, e mi sono assegnate notti di dolore.
4Kana ndovata, ndinoti, Ndichamuka rinhiko? Asi usiku hwakareba; Ndinoramba ndichishanduka-shanduka kusvikira koedza.
4Non appena mi corico, dico: "Quando mi leverò?" Ma la notte si prolunga, e mi sazio d’agitazioni infino all’alba.
5Nyama yangu yakafukidzwa nehonye namavhinga evhu., Ganda rangu rinofunuka, richiputika hurwa.
5La mia carne è coperta di vermi e di croste terrose, la mia pelle si richiude, poi riprende a suppurare.
6Mazuva angu anokunda chirukiso chomuruki pakukurumidza, Anopera ndisine tariro.
6I miei giorni sen vanno più veloci della spola, si consumano senza speranza.
7Rangarirai henyu kuti upenyu hwangu imhepo hayo; Ziso rangu harichazooni zvakanaka.
7Ricordati, che la mia vita e un soffio! L’occhio mio non vedrà più il bene.
8Ziso romunhu unondiona harichazonditaririzve; Meso ako achanditarira, asi handichazovepo.
8Lo sguardo di chi ora mi vede non mi potrà più scorgere; gli occhi tuoi mi cercheranno, ma io non sarò più.
9Sokupera kwegore nokunyangarika kwaro, Saizvozvo munhu, anoburukira kuSheori, haangazokwirizve.
9La nuvola svanisce e si dilegua; così chi scende nel soggiorno de’ morti non ne risalirà;
10Haangazodzokeri kumba kwake, Nenzvimbo yake haingazomuzivi
10non tornerà più nella sua casa, e il luogo ove stava non lo riconoscerà più.
11Saka handinganyarari nomuromo wangu; Ndichataura pakutambudzika komweya wangu; Ndichanyunyuta neshungu dzangu dzomoyo.
11Io, perciò, non terrò chiusa la bocca; nell’angoscia del mio spirito io parlerò, mi lamenterò nell’amarezza dell’anima mia.
12Ndiri gungwa kanhi, kana zimhuka regungwa, Zvamunoisa vanondirindira?
12Son io forse il mare o un mostro marino che tu ponga intorno a me una guardia?
13Kana ndikati, nhovo yangu ichandinyaradza, Mubhedha wangu uchazorodza kunyunyuta
13Quando dico: "Il mio letto mi darà sollievo, il mio giaciglio allevierà la mia pena",
14Ipapo mondivhundusa nokurota hope, Mondityisa nezvandinoona;
14tu mi sgomenti con sogni, e mi spaventi con visioni;
15Naizvozvo moyo wangu unotsaura kudzipwa,Nokufa kupfuura mafupa angu awa.
15sicché l’anima mia preferisce soffocare, preferisce a queste ossa la morte.
16Ndinosema upenyu hwangu; handidi kurarama nokusingaperi; Ndiregei; nekuti mazuva angu akafanana nokufema.
16Io mi vo struggendo; non vivrò sempre; deh, lasciami stare; i giorni miei non son che un soffio.
17Munhu chinyiko, zvamunomukudza, Nokumuda nomoyo wenyu wose,
17Che cosa è l’uomo che tu ne faccia tanto caso, che tu ponga mente ad esso,
18Zvamunomushanyira mangwanani ose Nokumuidza nguva dzose?
18e lo visiti ogni mattina e lo metta alla prova ad ogni istante?
19Mucharega rinhiko kundicherekedza, Nokundirega kusvikira ndamedza mate angu?
19Quando cesserai di tener lo sguardo fisso su me? Quando mi darai tempo d’inghiottir la mia saliva?
20Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti lni ndizviremekedze.
20Se ho peccato, che ho fatto a te, o guardiano degli uomini? Perché hai fatto di me il tuo bersaglio? A tal punto che son divenuto un peso a me stesso?
21Munoregereiko kukangamwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nekuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.
21E perché non perdoni le mie trasgressioni e non cancelli la mia iniquità? Poiché presto giacerò nella polvere; e tu mi cercherai, ma io non sarò più".