1nekuti izvozvo zvose ndakazvira ngarira nomoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.
1わたしはこのすべての事に心を用いて、このすべての事を明らかにしようとした。すなわち正しい者と賢い者、および彼らのわざが、神の手にあることを明らかにしようとした。愛するか憎むかは人にはわからない。彼らの前にあるすべてのことは空である。
2Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa wakarurama nowakaipawo, wakanaka nowakachena nowane tsvina, anobayira nowasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika nowanotya kupika.
2すべての人に臨むところは、みな同様である。正しい者にも正しくない者にも、善良な者にも悪い者にも、清い者にも汚れた者にも、犠牲をささげる者にも、犠牲をささげない者にも、その臨むところは同様である。善良な人も罪びとも異なることはない。誓いをなす者も、誓いをなすことを恐れる者も異なることはない。
3Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, moyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.
3すべての人に同一に臨むのは、日の下に行われるすべての事のうちの悪事である。また人の心は悪に満ち、その生きている間は、狂気がその心のうちにあり、その後は死者のもとに行くのである。
4nekuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nekuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.
4すべて生ける者に連なる者には望みがある。生ける犬は、死せるししにまさるからである。
5nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nekuti havacharangarirwi.
5生きている者は死ぬべき事を知っている。しかし死者は何事をも知らない、また、もはや報いを受けることもない。その記憶に残る事がらさえも、ついに忘れられる。
6Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.
6その愛も、憎しみも、ねたみも、すでに消えうせて、彼らはもはや日の下に行われるすべての事に、永久にかかわることがない。
7Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, umwe waini yako nomoyo wakafara; nekuti Mwari atofadzwa namabasa ako.
7あなたは行って、喜びをもってあなたのパンを食べ、楽しい心をもってあなたの酒を飲むがよい。神はすでに、あなたのわざをよみせられたからである。
8nguvo dzako dzigare dzakachena, nomusoro wako urege kushaiwa mafuta.
8あなたの衣を常に白くせよ。あなたの頭に油を絶やすな。
9Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nekuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva.
9日の下で神から賜わったあなたの空なる命の日の間、あなたはその愛する妻と共に楽しく暮すがよい。これはあなたが世にあってうける分、あなたが日の下で労する労苦によって得るものだからである。
10Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nekuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.
10すべてあなたの手のなしうる事は、力をつくしてなせ。あなたの行く陰府には、わざも、計略も、知識も、知恵もないからである。
11Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda pakurwa ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya , vanhu vane njere havazi ivo vane fuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.
11わたしはまた日の下を見たが、必ずしも速い者が競走に勝つのではなく、強い者が戦いに勝つのでもない。また賢い者がパンを得るのでもなく、さとき者が富を得るのでもない。また知識ある者が恵みを得るのでもない。しかし時と災難はすべての人に臨む。
12nekuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.
12人はその時を知らない。魚がわざわいの網にかかり、鳥がわなにかかるように、人の子らもわざわいの時が突然彼らに臨む時、それにかかるのである。
13Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru.
13またわたしは日の下にこのような知恵の例を見た。これはわたしにとって大きな事である。
14Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo.
14ここに一つの小さい町があって、そこに住む人は少なかったが、大いなる王が攻めて来て、これを囲み、これに向かって大きな雲梯を建てた。
15Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo.
15しかし、町のうちにひとりの貧しい知恵のある人がいて、その知恵をもって町を救った。ところがだれひとり、その貧しい人を記憶する者がなかった。
16Ipapo ndakati, Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.
16そこでわたしは言う、「知恵は力にまさる。しかしかの貧しい人の知恵は軽んぜられ、その言葉は聞かれなかった」。
17Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira komunhu anobata ushe pakati pamapenzi.
17静かに聞かれる知者の言葉は、愚かな者の中のつかさたる者の叫びにまさる。知恵は戦いの武器にまさる。しかし、ひとりの罪びとは多くの良きわざを滅ぼす。
18Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
18知恵は戦いの武器にまさる。しかし、ひとりの罪びとは多くの良きわざを滅ぼす。