1moyo wangu waneta noupenyu hwangu; Handingazvidzori pakunyunyuta kwangu; Ndichataura neshungu dzomoyo wangu.
1わたしは自分の命をいとう。わたしは自分の嘆きを包まず言いあらわし、わが魂の苦しみによって語ろう。
2Ndichati kuna Mwari, Musandipa mhosva. Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?
2わたしは神に申そう、わたしを罪ある者とされないように。なぜわたしと争われるかを知らせてほしい。
3Zvinokufadzai here kumanikidza, Nokuzvidza basa ramaoko enyu, Muchivhenekera kurangana kwavakaipa here?
3あなたはしえたげをなし、み手のわざを捨て、悪人の計画を照すことを良しとされるのか。
4Munameso enyama here, Kana munoona somunhu here?
4あなたの持っておられるのは肉の目か、あなたは人が見るように見られるのか。
5Mazuva enyu akafanana namazuva omunhu here, Kana makore enyu namakore omunhu here?
5あなたの日は人の日のごとく、あなたの年は人の年のようであるのか。
6Zvamunobvunza zvakaipa zvangu, Nokunzvera zvivi zvangu,
6あなたはなにゆえわたしのとがを尋ね、わたしの罪を調べられるのか。
7Kunyange muchiziva kuti handizi wakaipa; Uye kuti hakuna anogona kurwira paruoko rwenyu here?
7あなたはわたしの罪のないことを知っておられる。またあなたの手から救い出しうる者はない。
8Maoko enyu akandiita nokundiumba, Nhivi dzangu dzose; kunyange zvakadaro moda kundiparadza.
8あなたの手はわたしをかたどり、わたしを作った。ところが今あなたはかえって、わたしを滅ぼされる。
9Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira, kuti makandiumba sevhu; Zvino muchandidzosera kuguruva here?
9どうぞ覚えてください、あなたは土くれをもってわたしを作られた事を。ところが、わたしをちりに返そうとされるのか。
10Hamuna kundidurura somukaka here, Nokundikodza somukaka wakafa?
10あなたはわたしを乳のように注ぎ、乾酪のように凝り固まらせたではないか。
11Makandifadza neganda nenyama, Mukandisunganidza namafupa namarunda.
11あなたは肉と皮とをわたしに着せ、骨と筋とをもってわたしを編み、
12Makandipa upenyu netsitsi, Hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.
12命といつくしみとをわたしに授け、わたしを顧みてわが霊を守られた。
13Asi makavanza zvinhu izvi mumoyo menyu; Ndinoziva kuti chinhu ichi chaiva nemwi kare.
13しかしあなたはこれらの事をみ心に秘めおかれた。この事があなたの心のうちにあった事をわたしは知っている。
14Kana ndikatadza munondicherekedza, Hamudi kundikangamwira kudarika kwangu.
14わたしがもし罪を犯せば、あなたはわたしに目をつけて、わたしを罪から解き放されない。
15Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; Kana ndiri wakarurama, kunyange zvakadaro handingasimudzi musoro wangu; Zvandizere nokunyadzwa Ndichangotarira kutambudzika kwangu.
15わたしがもし悪ければわたしはわざわいだ。たといわたしが正しくても、わたしは頭を上げることができない。わたしは恥に満ち、悩みを見ているからだ。
16Kana ndikazvikudza, munondironda seshumba; Munopamhazve kundishamisa nesimba renyu.
16もし頭をあげれば、あなたは、ししのようにわたしを追い、わたしにむかって再びくすしき力をあらわされる。
17Munowedzera zvapupu zvenyu kuzorwa neni, Nokuwanza kutsamwa kwenyu pamusoro pangu; Kushanduka nehondo zvineni.
17あなたは証人を入れ替えてわたしを攻め、わたしにむかってあなたの怒りを増し、新たに軍勢を出してわたしを攻められる。
18Makandibudisireiko pachizvaro chamai? Ndingadai ndaifira hangumo, ndisati ndaonekwa neziso romunhu.
18なにゆえあなたはわたしを胎から出されたか、わたしは息絶えて目に見られることなく、
19Ndaiita hangu sendisina kuvapo; Ndaitakurirwa kuhwiro ndichibva pachizvaro chamai.
19胎から墓に運ばれて、初めからなかった者のようであったなら、よかったのに。
20Ko mazuva angu haazi mashoma here? Zvino gumai, Ndiregei henyu, kuti ndizorore zvishoma,
20わたしの命の日はいくばくもないではないか。どうぞ、しばしわたしを離れて、少しく慰めを得させられるように。
21Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki, Kunyika yerima nomumvuri worufu;
21わたしが行って、帰ることのないその前に、これを得させられるように。わたしは暗き地、暗黒の地へ行く。これは暗き地で、やみにひとしく、暗黒で秩序なく、光もやみのようだ」。
22Iyo nyika yerima guru, rima chairo; Nyika yomumvuri worufu, panokukanganiswa, Ipapo chiedza chakafanana nerima.
22これは暗き地で、やみにひとしく、暗黒で秩序なく、光もやみのようだ」。