1Ipapo Jobho akapindura, akati,
1そこでヨブは答えて言った、
2Zvirokwazvo, imwi muri vanhu vakangwara, Kungwara kuchafa pamwechete nemi.
2「まことに、あなたがたのみ、人である、知恵はあなたがたと共に死ぬであろう。
3Asi ini ndine njerewo semi; Handizi muduku kwamuri, Zvirokwazvo, ndianiko asingazivi zvinhu zvakadai?
3しかしわたしも、あなたがたと同様に悟りをもつ。わたしはあなたがたに劣らない。だれがこのような事を知らないだろうか。
4Ndakafanana nomunhu anosekwa nowaanogara naye, Munhu akadana kuna Mwari, iye akamupindura; Munhu wakarurama, akakwana, ndiye wosekwa.
4わたしは神に呼ばわって、聞かれた者であるのに、その友の物笑いとなっている。正しく全き人は物笑いとなる。
5Munhu anogara akafara hake anoshora pamifungo yake munhu uri panjodzi. Kushorwa kunogarira vanhu vanotedzemuka norutsoka rwavo.
5安らかな者の思いには、不幸な者に対する侮りがあって、足のすべる者を待っている。
6Matende amakororo anofara hawo, Avo vanotsamwisa Mwari vanogara havo zvakanaka; Ivo vanozadzirwa ruoko rwavo naMwari.
6かすめ奪う者の天幕は栄え、神を怒らす者は安らかである。自分の手に神を携えている者も同様だ。
7Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai Neshiri dzokudenga, dzichakuudzai;
7しかし獣に問うてみよ、それはあなたに教える。空の鳥に問うてみよ、それはあなたに告げる。
8Kana taurai henyu nenyika, ichakudzidzisai; Nehove dzegungwa dzichakuparidzirai.
8あるいは地の草や木に問うてみよ、彼らはあなたに教える。海の魚もまたあなたに示す。
9Ndianiko asingazivi pazvinhu izvi zvose, Kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose?
9これらすべてのもののうち、いずれか主の手がこれをなしたことを知らぬ者があろうか。
10Mweya wezvipenyu zvose uri muruoko rwake, Nokufema kwavanhu vose.
10すべての生き物の命、およびすべての人の息は彼の手のうちにある。
11Ko nzeve haiidzi mashoko, Somukamwa unoravira zvokudya here?
11口が食物を味わうように、耳は言葉をわきまえないであろうか。
12Vatana ndivo vakangwara, Vana mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa.
12老いた者には知恵があり、命の長い者には悟りがある。
13Iye ndiye anokungwara nesimba, Ndiye anamano nokunzwisisa.
13知恵と力は神と共にあり、深慮と悟りも彼のものである。
14Tarirai, iye anokoromora, hazvingavakwizve; Iye anopfigira munhu, haangazozarurirwi.
14彼が破壊すれば、再び建てることができない。彼が人を閉じ込めれば、開き出すことができない。
15Tarirai, iye anodzivisa mvura, ndokupwa kwayo; Uye anoitumazve, ndokushandura kwayo nyika.
15彼が水を止めれば、それはかれ、彼が水を出せば、地をくつがえす。
16Iye ane simba nokungwara kukuru; Akanyengerwa nounonyengera ndavake vose.
16力と深き知恵は彼と共にあり、惑わされる者も惑わす者も彼のものである。
17Unokanganisa mano amanevanje, Vatongi anovaita mapenzi.
17彼は議士たちを裸にして連れ行き、さばきびとらを愚かにし、
18Anosunungura simba ramadzimambo, Ndokusunga zviuno zvavo negwarada.
18王たちのきずなを解き、彼らの腰に腰帯を巻き、
19Anotorera vapristi ukuru hwavo, Nokukunda vane simba.
19祭司たちを裸にして連れ行き、力ある者を滅ぼし、
20Anotorera vakatenda mashoko avo, Nokubvisira vakuru kunzwisisa
20みずから頼む者たちの言葉を奪い、長老たちの分別を取り去り、
21Anodurura kushoora kwake pamusoro pamachinda, Nokusunungura bhanhire ravane simba.
21君たちの上に侮りを注ぎ、強い者たちの帯を解き、
22Anofukura zvinhu zvakadzika parima, Anobudisira kuchiedza mumvuri worufu.
22暗やみの中から隠れた事どもをあらわし、暗黒を光に引き出し、
23Anowanza ndudzi, ndokudziparadza, Anoparadzira ndudzi kose, ndokudzitapa.
23国々を大きくし、またこれを滅ぼし、国々を広くし、また捕え行き、
24Anobvisa kunzwisisa kwavakuru vavanhu venyika, Anovadzungairisa murenje musine nzira.
24地の民の長たちの悟りを奪い、彼らを道なき荒野にさまよわせ、光なき暗やみに手探りさせ、酔うた者のようによろめかせる。
25Vanotsvangadzira murima vasina chiedza, Anovadzengedzekesa somunhu akabatwa.
25光なき暗やみに手探りさせ、酔うた者のようによろめかせる。