1Munhu akazvarwa nomukadzi anamazuva mashoma, azere nokutambudzika.
1女から生れる人は日が短く、悩みに満ちている。
2Anobuda seruva, ndokusvava; Anotizawo somumvuri, haagari.
2彼は花のように咲き出て枯れ、影のように飛び去って、とどまらない。
3Ko munotarira munhu akadai nameso enyu, Muchinditonga here?
3あなたはこのような者にさえ目を開き、あなたの前に引き出して、さばかれるであろうか。
4Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka pane chakaipa? Hakuna.
4だれが汚れたもののうちから清いものを出すことができようか、ひとりもない。
5Mazuva ake zvaakatarwa, mwedzi yake yakaverengwa nemi, Makamutarira miganho yaasingatenderwi kudarika;
5その日は定められ、その月の数もあなたと共にあり、あなたがその限りを定めて、越えることのできないようにされたのだから、
6Regai kumucherekedza, azorore, Kusvikira apedza zuva rake somubatiri.
6彼から目をはなし、手をひいてください。そうすれば彼は雇人のように、その日を楽しむことができるでしょう。
7nekuti kana muti uchinge watemwa, kune tariro kuti uchabudazve, Uye kuti davi rawo nyoro haringaperi.
7木には望みがある。たとい切られてもまた芽をだし、その若枝は絶えることがない。
8Kunyange mudzi wawo ukakwegurira muvhu, Nehunde yawo ikafa pasi;
8たといその根が地の中に老い、その幹が土の中に枯れても、
9Kunyange zvakadaro uchabukira kana wanzwa kunhuhwira kwemvura, Ndokubudisa matavi somuti muduku.
9なお水の潤いにあえば芽をふき、若木のように枝を出す。
10Asi munhu anofa, akaparara hake; Zvirokwazvo munhu anorega kufema, zvino aripiko?
10しかし人は死ねば消えうせる。息が絶えれば、どこにおるか。
11Mvura inopera pagungwa, Uye rwizi runopera nokupwa;
11水が湖から消え、川がかれて、かわくように、
12Saizvozvo munhu anovata pasi, akasamukazve; Havazomukizve kusvikira denga rapera, Havangamutswi pahope dzavo.
12人は伏して寝、また起きず、天のつきるまで、目ざめず、その眠りからさまされない。
13Dai muchindivanza henyu paSheori, Muchindichengeta pakavanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, Munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo.
13どうぞ、わたしを陰府にかくし、あなたの怒りのやむまで、潜ませ、わたしのために時を定めて、わたしを覚えてください。
14Kana munhu achinge afa, angararamazve here? Ndaimira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, Kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.
14人がもし死ねば、また生きるでしょうか。わたしはわが服役の諸日の間、わが解放の来るまで待つでしょう。
15Maizodana, ini ndikakupindurai; Maishuva basa ramaoko enyu.
15あなたがお呼びになるとき、わたしは答えるでしょう。あなたはみ手のわざを顧みられるでしょう。
16Asi zvino munoverenga nhambwe dzangu;
16その時あなたはわたしの歩みを数え、わたしの罪を見のがされるでしょう。
17Kudarika kwangu kwakasungirwa muhombodo, Munosunga zvakaipa zvangu.
17わたしのとがは袋の中に封じられ、あなたはわたしの罪を塗りかくされるでしょう。
18Gomo kana richiwa zvirokwazvo rinopfupfunyuka, Uye dombo rinobviswa panzvimbo yaro;
18しかし山は倒れてくずれ、岩もその所から移される。
19Mvura inochera mabwe; Kuyerera kwayo kunokukura guruva renyika;. imwi munoparadza tariro yomunhu.
19水は石をうがち、大水は地のちりを洗い去る。このようにあなたは人の望みを断たれる。
20Munomukunda nokusingaperi, iye akapfuura hake; Munoshandura chiso chake, ndokumudzinga.
20あなたはながく彼に勝って、彼を去り行かせ、彼の顔かたちを変らせて追いやられる。
21Vana vake vanokudzwa iye asingazvizivi; Vanoderedzwa, asi iye haaoni vachiitirwa izvozvo.
21彼の子らは尊くなっても、彼はそれを知らない、卑しくなっても、それを悟らない。ただおのが身に痛みを覚え、おのれのために嘆くのみである」。
22Asi kana ari iye, nyama yake inorwadziwa, Mweya wake unochema mukati make.
22ただおのが身に痛みを覚え、おのれのために嘆くのみである」。