1Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
1そこでナアマびとゾパルは答えて言った、
2Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindura, Nokuda kokukurumidza kuri mandiri.
2「これによって、わたしは答えようとの思いを起し、これがために心中しきりに騒ぎ立つ。
3Ndakanzwa kutuka kunondinyadza, Mweya wokunzwisisa kwangu anondipindura.
3わたしはわたしをはずかしめる非難を聞く、しかし、わたしの悟りの霊がわたしに答えさせる。
4Hauzivi here kuti kubva kare-kare, Kubva pakuiswa komunhu panyika,
4あなたはこの事を知らないのか、昔から地の上に人の置かれてよりこのかた、
5Kuti kufara kwavakaipa hakune nguva huru, Nomufaro wavasingadi Mwari kuti ndewechinguva?
5悪しき人の勝ち誇はしばらくであって、神を信じない者の楽しみはただつかのまであることを。
6Kunyange kukura kwake kukakwirira kusvikira kudenga, Musoro wake ukasvikira kumakore;
6たといその高さが天に達し、その頭が雲におよんでも、
7Kunyange zvakadaro uchaparara nokusingaperi sendove yake; Vaimuona vachati, Aripiko?
7彼はおのれの糞のように、とこしえに滅び、彼を見た者は言うであろう、『彼はどこにおるか』と。
8Achabhururuka akaenda sokurota, akasawanikwa; Zvirokwazvo, achadzingwa sechinhu chinoonekwa usiku.
8彼は夢のように飛び去って、再び見ることはない。彼は夜の幻のように追い払われるであろう。
9Ziso raimuona haringazomuonizve; Nyangwe nenzvimbo yake haingazomuonizve.
9彼を見た目はかさねて彼を見ることがなく、彼のいた所も再び彼を見ることがなかろう。
10Vana vake vachatsvaka tsitsi kuvarombo, Maoko avo achadzosera fuma yake.
10その子らは貧しい者に恵みを求め、その手は彼の貨財を償うであろう。
11mafupa ake azere nesimba roujaya hwake, Asi achavata pasi naye paguruva.
11その骨には若い力が満ちている、しかしそれは彼と共にちりに伏すであろう。
12Kunyange kutadza kuchitapira mumuromo make, Kunyange akazvivanza pasi porurimi rwake;
12たとい悪は彼の口に甘く、これを舌の裏にかくし、
13Kunyange akazvichengeta, akaramba kuzvirega, Akaramba akazvichengeta mumuromo make;
13これを惜しんで捨てることなく、口の中に含んでいても、
14Kunyange zvakadaro zvokudya zvake zvinoshandurwa muura hwake, Zvava nduru yemvumbi mukati make.
14その食物は彼の腹の中で変り、彼の内で毒蛇の毒となる。
15Wamedza fuma, asi achairutsazve, Mwari achaibudisa mudumbu rake.
15彼は貨財をのんでも、またそれを吐き出す、神がそれを彼の腹から押し出されるからだ。
16Achasveta uturu bwemvumbi; Rurimi rwenyoka ruchamuuraya.
16彼は毒蛇の毒を吸い、まむしの舌は彼を殺すであろう。
17Haangatariri nzizi, Nehova dzizere nouchi namafuta.
17彼は蜜と凝乳の流れる川々を見ることができない。
18Zvaakabatira achazvidzosazve, haangazvimedzi; Haangavi nomufaro wakaenzana nefuma yake yaakawana.
18彼はほねおって獲たものを返して、それを食うことができない。その商いによって得た利益をもって楽しむことができない。
19nekuti akamanikidza nokurasha varombo; Akatora imba nesimba, asi haangaivaki.
19彼が貧しい者をしえたげ、これを捨てたからだ。彼は家を奪い取っても、それを建てることができない。
20Zvaakanga asingazivi kudzikama mukati make, Haangachengeti chinhu chimwe chaakanga achifarira.
20彼の欲張りは足ることを知らぬゆえ、その楽しむ何物をも救うことができないであろう。
21Hakune chinhu chakasara chaasina kuparadza; Saka kuguma kwake, hakungarambi kuripo.
21彼が残して食べなかった物とては一つもない。それゆえ、その繁栄はながく続かないであろう。
22Pakati pezvakawanda zvefuma yake achamanikidzwa; Ruoko rwomumwe nomumwe ari panjodzi rucharwa naye.
22その力の満ちている時、彼は窮境に陥り、悩みの手がことごとく彼の上に臨むであろう。
23Kana achida kugutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kukuru pamusoro pake, Achakunisa pamusoro pake, zvive zvokudya zvake.
23彼がその腹を満たそうとすれば、神はその激しい怒りを送って、それを彼の上に降り注ぎ、彼の食物とされる。
24Achatiza nhumbi yokurwa yamatare, Uta bwendarira huchamuboora.
24彼は鉄の武器を免れても、青銅の矢は彼を射通すであろう。
25Unoivhomora, ikabuda pamuviri wake; muromo wayo unobwinya, unobuda panduru yake; Anotya kwazvo.
25彼がこれをその身から引き抜けば、きらめく矢じりがその肝から出てきて、恐れが彼の上に臨む。
26Rima rose rakachengeterwa fuma yake, moto usina kupfutidzwa nomunhu uchamuparadza; Uchapedza zvakasara patende rake.
26もろもろの暗黒が彼の宝物のためにたくわえられ、人が吹き起したものでない火が彼を焼きつくし、その天幕に残っている者を滅ぼすであろう。
27Kudenga-denga kucharatidza zvakaipa zvake, Nyika ichamumukira.
27天は彼の罪をあらわし、地は起って彼を攻めるであろう。
28Zvakaunganidzwa mumba make zvichibva, Nhumbi dzake dzichayerera pazuva rokutsamwa kwake.
28その家の財産は奪い去られ、神の怒りの日に消えうせるであろう。これが悪しき人の神から受ける分、神によって定められた嗣業である」。
29Ndiwo mugove womunhu akaipa waanopiwa naMwari, Nenhaka yaakatemerwa naMwari.
29これが悪しき人の神から受ける分、神によって定められた嗣業である」。