1Ipapo Erihu akapindura, akati,
1エリフはまた答えて言った、
2Inzwai mashoko angu, imwi vanhu vakachenjera; Rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imwi mune zivo.
2「あなたがた知恵ある人々よ、わたしの言葉を聞け、あなたがた知識ある人々よ、わたしに耳を傾けよ。
3Nekuti nzeve ndiyo inoidza mashoko, Sezvinoravira mukamwa zvokudya.
3口が食物を味わうように、耳は言葉をわきまえるからだ。
4Ngatizvitsanangurire zvakarurama; Ngatizive tose kuti zvakanaka ndezvipi.
4われわれは正しい事を選び、われわれの間に良い事の何であるかを明らかにしよう。
5Nekuti Jobho akati, Ndakarurama, Asi Mwari akanditorera kururama kwangu;
5ヨブは言った、『わたしは正しい、神はわたしの公義を奪われた。
6Kunyange ndakarurama hangu, ndinonzi ndine nhema; Pandakakuvadzwa hapangapori, kunyange ndisina kudarika.
6わたしは正しいにもかかわらず、偽る者とされた。わたしにはとががないけれども、わたしの矢傷はいえない』と。
7Ndianiko akafanana naJobho, Anomwa kushorwa semvura?
7だれかヨブのような人があろう。彼はあざけりを水のように飲み、
8Anofambidzana navanoita zvakaipa, Anofamba navanhu vakashata.
8悪をなす者どもと交わり、悪人と共に歩む。
9Nekuti iye akati, Munhu haatongobatsirwi, Kana achifarira Mwari.
9彼は言った、『人は神と親しんでも、なんの益もない』と。
10Saka chindinzwai, imwi varume venjere, Mwari haangatongoiti zvisakarurama; waMasimbaose haangatongoiti zvakaipa.
10それであなたがた理解ある人々よ、わたしに聞け、神は断じて悪を行うことなく、全能者は断じて不義を行うことはない。
11Nekuti acharipira munhu sezvaakabata, Achapa mumwe nomumwe sezvaakafanirwa.
11神は人のわざにしたがってその身に報い、おのおのの道にしたがって、その身に振りかからせられる。
12Zvirokwazvo, Mwari haangaiti zvakaipa, waMasimbaose haangakanganisi pakutonga.
12まことに神は悪しき事を行われない。全能者はさばきをまげられない。
13Ndianiko akamuita murairi wenyika? Ndianiko akamupa nyika yose?
13だれかこの地を彼にゆだねた者があるか。だれか全世界を彼に負わせた者があるか。
14Kana akadzosera moyo wake kwaari, Kana akadzosera kwaari mweya wake nokufema kwake;
14神がもしその霊をご自分に取りもどし、その息をご自分に取りあつめられるならば、
15Ipapo vanhu vose vachaparara pamwechete, Munhu akadzokerazve kuguruva.
15すべての肉は共に滅び、人はちりに帰るであろう。
16Zvino kana mukagona kunzwisisa, inzwai shoko iri, Teererai inzwi ramashoko angu.
16もし、あなたに悟りがあるならば、これを聞け、わたしの言うところに耳を傾けよ。
17Ko munhu, anovenga zvakarurama, angabata ushe here? Mungapa mhosva munhu akarurama, ane simba here?
17公義を憎む者は世を治めることができようか。正しく力ある者を、あなたは非難するであろうか。
18Ko zvakanaka kuti kuna mambo, Makashata? Kana kuvakuru, hamutyi Mwari here?
18王たる者に向かって『よこしまな者』と言い、つかさたる者に向かって、『悪しき者』と言うことができるであろうか。
19Ndoda kumunhu asingakudzi machinda, Asingatsauri vafumi kupfuura varombo. Nekuti ivo vose ndiro basa ramaoko ake.
19神は君たる者をもかたより見られることなく、富める者を貧しき者にまさって顧みられることはない。彼らは皆み手のわざだからである。
20Vanofa kamwe-kamwe pakati pousiku; Vanhu vanozozununguswa ndokuparara havo, Vane simba vanobviswa zvingaitwa noruoko.
20彼らはまたたく間に死に、民は夜の間に振われて、消えうせ、力ある者も人手によらずに除かれる。
21Nekuti meso ake anotarira nzira dzomunhu, Unoona kufamba kwake kose.
21神の目が人の道の上にあって、そのすべての歩みを見られるからだ。
22Hapana rima kana mumvuri worufu, Pangavanda vanoita zvakaipa.
22悪を行う者には身を隠すべき暗やみもなく、暗黒もない。
23Nekuti haachafaniri kurangarira munhu, Kuti atongwe pamberi paMwari.
23人がさばきのために神の前に出るとき、神は人のために時を定めておかれない。
24Anoparadza vanhu vane simba asinganzveri, Ndokugadza vamwe panzvimbo yavo.
24彼は力ある者をも調べることなく打ち滅ぼし、他の人々を立てて、これに替えられる。
25Saka anocherekedza mabasa avo; Unovaparadza usiku, vakapwanyiwa.
25このように、神は彼らのわざを知り、夜の間に彼らをくつがえされるので、彼らはやがて滅びる。
26Anovarova sezvinorohwa vanhu vakaipa Vamwe vose vachizviona pachena.
26彼は人々の見る所で、彼らをその悪のために撃たれる。
27Nekuti vakatsauka pakumutevera, Vakasava nehanya nenzira dzake dzose;
27これは彼らがそむいて彼に従わず、その道を全く顧みないからだ。
28Naizvozvo vakasvitsa kuchema kwavarombo kwaari, Akanzwa kuchema kwavakatambudzwa.
28こうして彼らは貧しき者の叫びを彼のもとにいたらせ、悩める者の叫びを彼に聞かせる。
29Kana iye akazorodza, ndianiko ungapa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angazomuona? Kana zvichitarirwa rudzi kana munhu mumwe, zvakafanana hazvo;
29彼が黙っておられるとき、だれが非難することができようか。彼が顔を隠されるとき、だれが彼を見ることができようか。一国の上にも、一人の上にも同様だ。
30Kuti munhu asakarurama arege kubata ushe, Kuti kurege kuva nomunhu achateya vanhu.
30これは神を信じない者が世を治めることがなく、民をわなにかける事のないようにするためである。
31Nekuti kunomunhu here akati kuna Mwari, Ndarangwa hangu, kunyange ndisina kutadza?
31だれが神に向かって言ったか、『わたしは罪を犯さないのに、懲しめられた。
32Ndidzidzisei izvo zvandisingaoni; Kana ndichinge ndaita zvakaipa, handingazviitizve?
32わたしの見ないものをわたしに教えられたい。もしわたしが悪い事をしたなら、重ねてこれをしない』と。
33Ko iye achatsiva sezvaunoda iwe, zvaunozviramba here? Nekuti ndiwe unofanira kutsanangura, handizini; Saka chitaura zvaunoziva.
33あなたが拒むゆえに、彼はあなたの好むように報いをされるであろうか。あなたみずから選ぶがよい、わたしはしない。あなたの知るところを言いなさい。
34Vanhu vane njere vachati kwandiri, Uye vose vakachenjera, vanondinzwa, vachati,
34悟りある人々はわたしに言うだろう、わたしに聞くところの知恵ある人は言うだろう、
35Jobho anotaura zvaasingazivi, Mashoko ake haano uchenjeri.
35『ヨブの言うところは知識がなく、その言葉は悟りがない』と。
36Dai Jobho aiidzwa kusvikira pakupedzisira, Zvaakapindura savanhu vakaipa.
36どうかヨブが終りまで試みられるように、彼は悪人のように答えるからである。彼は自分の罪に、とがを加え、われわれの中にあって手をうち、神に逆らって、その言葉をしげくする」。
37Nekuti anowedzera kumukira Mwari pazvivi zvake, Anorova namaoko ake pakati pedu, Achiwanza mashoko ake anorwa naMwari.
37彼は自分の罪に、とがを加え、われわれの中にあって手をうち、神に逆らって、その言葉をしげくする」。