1Zvirokwazvo moyo wangu unobvunduswawo pamusoro paizvozvi, Uchibviswa panzvimbo yawo.
1これがためにわが心もまたわななき、その所からとび離れる。
2Teererai kutinhira kwenzwi rake, Nokuwunga kunobva pamuromo wake.
2聞け、神の声のとどろきを、またその口から出るささやきを。
3Anokutuma pasi pedenga rose, pamagumisiro enyika.
3彼はこれを天が下に放ち、その光を地のすみずみまで至らせられる。
4Inoteverwa nenzwi rinodzvova, Anotinhira nenzwi roumambo hwake. Haazvidzivisi kana inzwi rake richinzwika.
4その後、声とどろき、彼はそのいかめしい声をもって鳴り渡られる。その声の聞える時、彼はいなずまを引きとめられない。
5Mwari anotinhira nenzwi rake rinoshamisa; Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.
5神はその驚くべき声をもって鳴り渡り、われわれの悟りえない大いなる事を行われる。
6nekuti anoti kuchando, Chiwira panyika; Saizvozvowo kumvura inopfunha-pfunha, Uyewo kumvura inoturuka nesimba.
6彼は雪に向かって『地に降れ』と命じ、夕立ちおよび雨に向かって『強く降れ』と命じられる。
7Anodzivisa ruoko rwomunhu mumwe nomumwe, Kuti vanhu vose vaakaita vamuzive.
7彼はすべての人の手を封じられる。これはすべての人にみわざを知らせるためである。
8Panguva iyo zvikara zvinondovanda, Zvichirambira mumapako azvo.
8その時、獣は穴に入り、そのほらにとどまる。
9Dutu remhepo rinobuda pakamuri rezasi; Nechando kurutivi rwokumusoro.
9つむじ風はそのへやから、寒さは北風から来る。
10Mazaya echando anopiwa vanhu nomweya waMwari Uye mvura mhami inogwamba.
10神のいぶきによって氷が張り、広々とした水は凍る。
11Anozadza makore matema nomwando, Anodhadhanura gore rine mheni yake.
11彼は濃い雲に水気を負わせ、雲はそのいなずまを散らす。
12Rinotendeudzwa nokufambisa kwake, Kuti zviite zvose zvaanozviraira Panyika inogarwa navanhu;
12これは彼の導きによってめぐる。彼の命じるところをことごとく世界のおもてに行うためである。
13Anoituma kuti zvimwe ive shamhu, zvimwe ifadze nyika yake, zvimwe iratidze tsitsi yake.
13神がこれらをこさせるのは、懲しめのため、あるいはその地のため、あるいはいつくしみのためである。
14Teererai shoko iri, nhasi Jobho; Chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari.
14ヨブよ、これを聞け、立って神のくすしきみわざを考えよ。
15Ko munoziva marairirwo azvo naMwari here, Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here?
15あなたは知っているか、神がいかにこれらに命じて、その雲の光を輝かされるかを。
16Munoziva maturikirwo amakore here, Namabasa anoshamisa aiye akakwana pazivo here?
16あなたは知っているか、雲のつりあいと、知識の全き者のくすしきみわざを。
17Munonzwisisa madziyiro enguvo dzenyu, Kana nyika yakagadzikana nemhepo inobva zasi here?
17南風によって地が穏やかになる時、あなたの着物が熱くなることを。
18Ko mungagona kudhadhanura denga pamwechete naye, Iro rakasimba sechioni-oni chakaumbwa here?
18あなたは鋳た鏡のように堅い大空を、彼のように張ることができるか。
19Tidzidzisei zvatingareva kwaari. Nekuti hatigoni kunyatsoreva nemhaka yerima.
19われわれが彼に言うべき事をわれわれに教えよ、われわれは暗くて、言葉をつらねることはできない。
20Ko iye anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Kana ndianiko munhu anoda kumedzwa?
20わたしは語ることがあると彼に告げることができようか、人は滅ぼされることを望むであろうか。
21Zvino vanhu havagoni kutarira chiedza chinopenya kudenga; Asi mhepo ichapfuura, ndokurinatsa.
21光が空に輝いているとき、風過ぎて空を清めると、人々はその光を見ることができない。
22Kunaka sokwendarama kunobva kurutivi rwokumusoro; Mwari ane humambo hunotyisa kwazvo.
22北から黄金のような輝きがでてくる。神には恐るべき威光がある。
23Kana ari waMasimbaose, hatigoni kumunzwisisa; ane simba guru-guru; Haangatambudzi pakutonga nokururama kukuru.
23全能者は――われわれはこれを見いだすことができない。彼は力と公義とにすぐれ、正義に満ちて、これを曲げることはない。それゆえ、人々は彼を恐れる。彼はみずから賢いと思う者を顧みられない」。
24Saka vanhu vanomutya; Haane hanya navane moyo yakachenjera.
24それゆえ、人々は彼を恐れる。彼はみずから賢いと思う者を顧みられない」。