1Ipapo Jobho akapindura, akati,
1ヨブは答えて言った、
2Haiwa, dai kutambudzika kwangu kwaiyerwa, Nenjodzi dzangu dzaivunganidzirwa pachiyero!
2「どうかわたしの憤りが正しく量られ、同時にわたしの災も、はかりにかけられるように。
3nekuti zvino zvairema kupfuura jecha ramakungwa; Naizvozvo mashoko angu aiva okuvhurumuka.
3そうすれば、これは海の砂よりも重いに相違ない。それゆえ、わたしの言葉が軽率であったのだ。
4nekuti miseve yoWamasimba yakandibaya mukati mangu, Mweya wangu unomwa uturu hwayo; Zvinotyisa zvaMwari zvazvigadzirira kurwa neni.
4全能者の矢が、わたしのうちにあり、わたしの霊はその毒を飲み、神の恐るべき軍勢が、わたしを襲い攻めている。
5Ko mbizi ingachema kana ine bumhudza here? Ko nzombe ingakuma pazvokudya zvayo here?
5野ろばは、青草のあるのに鳴くであろうか。牛は飼葉の上でうなるであろうか。
6Ko chisinganaki chingadyiwa chisino munyu here? Ko zvichena zvezai zvinozipa here?
6味のない物は塩がなくて食べられようか。すべりひゆのしるは味があろうか。
7Mweya wangu unoramba kuzvibata; Kwandiri zvakafanana nezvokudya zvinosemesa.
7わたしの食欲はこれに触れることを拒む。これは、わたしのきらう食物のようだ。
8Haiwa! Dai ndaipiwa zvandinokumbira;
8どうかわたしの求めるものが獲られるように。どうか神がわたしの望むものをくださるように。
9Dai Mwari aitenda hake kundipwanya, Dai aitambanudza hake ruoko rwake, akandiparadza.
9どうか神がわたしを打ち滅ぼすことをよしとし、み手を伸べてわたしを断たれるように。
10Ipapo ndainyaradzwa hangu; Zvirokwazvo ndaifara pakurwadziwa kusine tsitsi; nekuti handina kuramba mashoko oMutsvene.
10そうすれば、わたしはなお慰めを得、激しい苦しみの中にあっても喜ぶであろう。わたしは聖なる者の言葉を否んだことがないからだ。
11Simba rangu ndereiko, randingamirira naro rufu? Mugumo wangu ndeweiko, kuti nditsungirire?
11わたしにどんな力があって、なお待たねばならないのか。わたしにどんな終りがあるので、なお耐え忍ばねばならないのか。
12Simba rangu rakafanana neramabwe here? Nyama yangu indarira kanhi?
12わたしの力は石の力のようであるのか。わたしの肉は青銅のようであるのか。
13Handizinoshaiwa rubatsiro mukati mangu here? Uchenjeri kwahwo hahuzadzingwa chose kwandiri here?
13まことに、わたしのうちに助けはなく、救われる望みは、わたしから追いやられた。
14Munhu, anorwisa kuziya, anofara kuitirwa nyasha neshamwari dzake; Angazorega kutya waMasimbaose.
14その友に対するいつくしみをさし控える者は、全能者を恐れることをすてる。
15Hama dzangu dzakaita nokusatendeka sorukova, Sokuyerera kwehova dzinopfuura;
15わが兄弟たちは谷川のように、過ぎ去る出水のように欺く。
16Dzakasviba nokuda kwamazaya echando, Uye panovanda chando;
16これは氷のために黒くなり、そのうちに雪が隠れる。
17Kana zuva ropisa, dzonyangarika; Kana kopisa dzinopedzwa panzvimbo yadzo.
17これは暖かになると消え去り、暑くなるとその所からなくなる。
18Vafambi vanofamba nenzira yadzo vanotsauka, Vanokwira kurenje ndokuparara
18隊商はその道を転じ、むなしい所へ行って滅びる。
19Vafambi veTema vakatarira, Mapoka eShebha akadzimirira.
19テマの隊商はこれを望み、シバの旅びとはこれを慕う。
20Vanonyadziswa nekuti vakanga vane tariro; Vakasvikapo vakakanganiswa.
20彼らはこれにたよったために失望し、そこに来てみて、あわてる。
21nekuti zvino hamuzi chinhu; Munoona chinotyisa, ndokutya.
21あなたがたは今わたしにはこのような者となった。あなたがたはわたしの災難を見て恐れた。
22Ko ndakati, Ndipei here? Kana, Ndivigirei chipo chinobva pafuma yenyu here?
22わたしは言ったことがあるか、『わたしに与えよ』と、あるいは『あなたがたの財産のうちからわたしのために、まいないを贈れ』と、
23Kana, Ndirwirei paruoko rwomudzivisi here? Kana, Ndidzikunurei paruoko rwavamanikidzi here?
23あるいは『あだの手からわたしを救い出せ』と、あるいは『しえたげる者の手からわたしをあがなえ』と。
24Ndidzidzisei, ndinyarare hangu; Mundidudzire pandatadza.
24わたしに教えよ、そうすればわたしは黙るであろう。わたしの誤っている所をわたしに悟らせよ。
25Mashoko akarurama ane simba sei! Asi kutuka kwenyu kunotukeiko?
25正しい言葉はいかに力のあるものか。しかしあなたがたの戒めは何を戒めるのか。
26Munofunga kutuka mashoko here? nekuti mashoko omunhu, arasha moyo, anotorwa nemhepo.
26あなたがたは言葉を戒めうると思うのか。望みの絶えた者の語ることは風のようなものだ。
27Zvirokwazvo munoda kukanda mijenya pamusoro penherera isina baba, Munoda kutengesa shamwari yenyu.
27あなたがたは、みなしごのためにくじをひき、あなたがたの友をさえ売り買いするであろう。
28Naizvozvo zvino chindonditarirai henyu; nekuti zvirokwazvo handingarevi nhema pamberi penyu.
28今、どうぞわたしを見られよ、わたしはあなたがたの顔に向かって偽らない。
29Dzokai henyu, ndizvo zvandinokumbira, kusarurama kurege kuvapo, Dzokai henyu, mhaka yangu yakarurama.
29どうぞ、思いなおせ、まちがってはならない。さらに思いなおせ、わたしの義は、なおわたしのうちにある。わたしの舌に不義があるか。わたしの口は災をわきまえることができぬであろうか。
30Parurimi rwangu panokusarurama here? Kuravira kwangu hakungasaruri zvinhu zvakashata here?
30わたしの舌に不義があるか。わたしの口は災をわきまえることができぬであろうか。