1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati.
1主はモーセに言われた、
2Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.
2「銀のラッパを二本つくりなさい。すなわち、打物造りとし、それで会衆を呼び集め、また宿営を進ませなさい。
3Kana vachidziridza ungano yose inofanira kuungana kwauri pamukova wetende rokusangana.
3この二つを吹くときは、全会衆が会見の幕屋の入口に、あなたの所に集まってこなければならない。
4Kana vachiridza imwechete, zvino machinda vari vakuru vezviuru zvavaIsiraeri vanofanira kuungana kwauri.
4もしその一つだけを吹くときは、イスラエルの氏族の長であるつかさたちが、あなたの所に集まってこなければならない。
5Kana muchiridzisa, mapoka okurutivi rwamabvazuva anofanira kusimuka, vafambe.
5またあなたがたが警報を吹き鳴らす時は、東の方の宿営が、道に進まなければならない。
6Kana muchiridzisa rwechipiri mapoka okurutivi rwezasi anofanira kusimuka, vafambe; vanofanira kuridzisa kana vofamba nzendo.
6二度目の警報を吹き鳴らす時は、南の方の宿営が、道に進まなければならない。すべて道に進む時は、警報を吹き鳴らさなければならない。
7Asi kana ungano ichifanira kuunganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa.
7また会衆を集める時にも、ラッパを吹き鳴らすが、警報は吹き鳴らしてはならない。
8Vanakomana vaAroni, vapristi, ndivo vanofanira kuridza hwamanda; ngazvive tsika kwamuri nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
8アロンの子である祭司たちが、ラッパを吹かなければならない。これはあなたがたが、代々ながく守るべき定めとしなければならない。
9Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu.
9また、あなたがたの国で、あなたがたをしえたげるあだとの戦いに出る時は、ラッパをもって、警報を吹き鳴らさなければならない。そうするならば、あなたがたは、あなたがたの神、主に覚えられて、あなたがたの敵から救われるであろう。
10Uye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa napakutanga kwemwedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa, napamusoro pezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, kuti Jehovha akurangarirei nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
10また、あなたがたの喜びの日、あなたがたの祝いの時、および月々の第一日には、あなたがたの燔祭と酬恩祭の犠牲をささげるに当って、ラッパを吹き鳴らさなければならない。そうするならば、あなたがたの神は、それによって、あなたがたを覚えられるであろう。わたしはあなたがたの神、主である」。
11Zvino negore rechipiri, nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri romwedzi, gore rakasimudzwa pamusoro petabhenakeri yechipupuriro.
11第二年の二月二十日に、雲があかしの幕屋を離れてのぼったので、
12Ipapo vana vaIsiraeri vakasimuka murenje reSinai, kuzofamba nzendo dzavo; gore rikandomira murenje reParani.
12イスラエルの人々は、シナイの荒野を出て、その旅路に進んだが、パランの荒野に至って、雲はとどまった。
13Vakatanga kufamba sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
13こうして彼らは、主がモーセによって、命じられたところにしたがって、道に進むことを始めた。
14Pakutanga mureza weboka ravana vaJudha wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.
14先頭には、ユダの子たちの宿営の旗が、その部隊を従えて進んだ。ユダの部隊の長はアミナダブの子ナション、
15Boka rorudzi rwavana vaIsakari rakanga richirairwa naNetaneri, mwanakomana waZuari.
15イッサカルの子たちの部族の部隊の長はツアルの子ネタニエル、
16Boka rorudzi rwaZebhuruni rakanga richirairwa naEriabhu, mwanakomana waHeroni.
16ゼブルンの子たちの部族の部隊の長はヘロンの子エリアブであった。
17Zvino tabhenakeri yakabviswa, vanakomana vaGeshoni navanakomana vaMerari, vatakuri vetabhenakeri, vakasimuka.
17そして幕屋は取りくずされ、ゲルションの子たち、およびメラリの子たちは幕屋を運び進んだ。
18Zvino mureza weboka raRubheni wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErizuri, mwanakomana waShedheuri.
18次にルベンの宿営の旗が、その部隊を従えて進んだ。ルベンの部隊の長はシデウルの子エリヅル、
19Boka rorudzi rwavana vaSimioni rakanga richirairwa naSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.
19シメオンの子たちの部族の部隊の長はツリシャダイの子シルミエル、
20Boka rorudzi rwavana vaGadhi rakanga richirairwa naEriasafi, mwanakomana waDheueri.
20ガドの子たちの部族の部隊の長はデウエルの子エリアサフであった。
21Zvino vaKohati vakasimuka, vakatakura imba tsvene; vamwe vakamisa tabhenakeri ivo vachigere kusvika.
21そしてコハテびとは聖なる物を運び進んだ。これが着くまでに、人々は幕屋を建て終るのである。
22Zvino mureza weboka ravana vaEfuremu wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErishama, mwanakomana waAmihudhi.
22次にエフライムの子たちの宿営の旗が、その部隊を従えて進んだ。エフライムの部隊の長はアミホデの子エリシャマ、
23Boka rorudzi rwavana vaManase rakanga richirairwa naGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.
23マナセの子たちの部族の部隊の長はパダヅルの子ガマリエル、
24Boka rorudzi rwavana vaBhenjamini rakanga richirairwa naAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.
24ベニヤミンの子たちの部族の部隊の長はギデオニの子アビダンであった。
25Ipapo mureza weboka ravana vaDhani, ndivo vokupedzisira pamapoka ose, vakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.
25次にダンの子たちの宿営の旗が、その部隊を従えて進んだ。この部隊はすべての宿営のしんがりであった。ダンの部隊の長はアミシャダイの子アヒエゼル、
26Boka rorudzi rwavana vaAsheri rakanga richirairwa naPagieri, mwanakomana waOkirani
26アセルの子たちの部族の部隊の長はオクランの子パギエル、
27boka rorudzi rwavana vaNafutari rakanga richirairwa naAhira,mwanakomana waEnani
27ナフタリの子たちの部族の部隊の長はエナンの子アヒラであった。
28Ndiko kufamba kwavana VaIsiraeri namapoka avo vakasimuka.
28イスラエルの人々が、その道に進む時は、このように、その部隊に従って進んだ。
29Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMozisi, Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nekuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro pavaIsiraeri.
29さて、モーセは、妻の父、ミデヤンびとリウエルの子ホバブに言った、「わたしたちは、かつて主がおまえたちに与えると約束された所に向かって進んでいます。あなたも一緒においでください。あなたが幸福になられるようにいたしましょう。主がイスラエルに幸福を約束されたのですから」。
30Iye akati kwaari, Handingaendi, asi ndichaenda hangu kunyika yangu nokuhama dzangu.
30彼はモーセに言った、「わたしは行きません。わたしは国に帰って、親族のもとに行きます」。
31Iye akati, Ndinonyengetera kuti murege henyu kutisiya, zvamunoziva mudzikirwe wamatende edu murenje, muchava meso edu.
31モーセはまた言った、「どうかわたしたちを見捨てないでください。あなたは、わたしたちが荒野のどこに宿営すべきかを御存じですから、わたしたちの目となってください。
32Kana mukaenda nesu, kana Jehovha akatiitira zvakanaka zvipi nezvipi, tichakuitirai izvozvowo.
32もしあなたが一緒においでくださるなら、主がわたしたちに賜わる幸福をあなたにも及ぼしましょう」。
33Zvino vakasimuka pagomo raJehovha, vakafamba mazuva matatu; areka yesungano yaJehovha ikavatungamirira mazuva matatu, kuvatsvakira pokuzorora.
33こうして彼らは主の山を去って、三日の行程を進んだ。主の契約の箱は、その三日の行程の間、彼らに先立って行き、彼らのために休む所を尋ねもとめた。
34Gore raJehovha rikava pamusoro pavo masikati pakusimuka kwavo pamisasa.
34彼らが宿営を出て、道に進むとき、昼は主の雲が彼らの上にあった。
35Zvino areka yakati yasimuka, Mozisi akati, Simukai Jehovha, vavengi venyu ngavaparadzwe; navanokuvengai ngavatize pamberi penyu.
35契約の箱の進むときモーセは言った、「主よ、立ちあがってください。あなたの敵は打ち散らされ、あなたを憎む者どもは、あなたの前から逃げ去りますように」。またそのとどまるとき、彼は言った、「主よ、帰ってきてください、イスラエルのちよろずの人に」。
36Zvino pakuzorora kwayo, akati, Dzokai Jehovha, kuzviuru zvine gumi nezviuru zvavaIsiraeri.
36またそのとどまるとき、彼は言った、「主よ、帰ってきてください、イスラエルのちよろずの人に」。