1Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura fuma zhinji; Uye kudikamwa kupfuura sirivha nendarama.
1令名は大いなる富にまさり、恩恵は銀や金よりも良い。
2Vafumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose.
2富める者と貧しい者とは共に世におる、すべてこれを造られたのは主である。
3Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
3賢い者は災を見て自ら避け、思慮のない者は進んでいって、罰をうける。
4Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ifuma nokukudzwa noupenyu.
4謙遜と主を恐れることとの報いは、富と誉と命とである。
5mhinzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo.
5よこしまな者の道にはいばらとわながあり、たましいを守る者は遠くこれを離れる。
6Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.
6子をその行くべき道に従って教えよ、そうすれば年老いても、それを離れることがない。
7Mufumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwereti, muranda, wowakamupa chikwereti.
7富める者は貧しき者を治め、借りる者は貸す人の奴隷となる。
8Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika.
8悪をまく者は災を刈り、その怒りのつえはすたれる。
9Ane moyo munyoro acharopafadzwa; nekuti anopa varombo zvokudya zvake.
9人を見て恵む者はめぐまれる、自分のパンを貧しい人に与えるからである。
10Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma.
10あざける者を追放すれば争いもまた去り、かつ、いさかいも、はずかしめもなくなる。
11Anoda kuchena komoyo, Neane miromo inofadza, mambo achava shamwari yake.
11心の潔白を愛する者、その言葉の上品な者は、王がその友となる。
12Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera.
12主の目は知識ある者を守る、しかし主は不信実な者の言葉を敗られる。
13Simbe inoti, Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha.
13なまけ者は言う、「ししがそとにいる、わたしは、ちまたで殺される」と。
14Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo.
14遊女の口は深い落し穴である、主に憎まれる者はその中に陥る。
15Upenzi hunonamatira mumoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye.
15愚かなことが子供の心の中につながれている、懲しめのむちは、これを遠く追いだす。
16Anomanikidza murombo, anomufumisa; Anopa mufumi zvipo, anongomushaisa.
16貧しい者をしえたげて自分の富を増そうとする者と、富める者に与える者とは、ついに必ず貧しくなる。
17Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, moyo wako urangarire zivo yangu.
17あなたの耳を傾けて知恵ある者の言葉を聞き、かつ、わたしの知識にあなたの心を用いよ。
18nekuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako.
18これをあなたのうちに保ち、ことごとく、あなたのくちびるに備えておくなら、楽しいことである。
19Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha.
19あなたが主に、寄り頼むことのできるように、わたしはきょう、これをあなたにも教える。
20Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here?
20わたしは、勧めと知識との三十の言葉をあなたのためにしるしたではないか。
21Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here?
21それは正しいこと、真実なことをあなたに示し、あなたをつかわした者に真実の答をさせるためであった。
22Usatorera murombo, nekuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuwo;
22貧しい者を、貧しいゆえに、かすめてはならない、悩む者を、町の門でおさえつけてはならない。
23nekuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwevanovatadzira.
23それは主が彼らの訴えをただし、かつ彼らをそこなう者の命を、そこなわれるからである。
24Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha;
24怒る者と交わるな、憤る人と共に行くな。
25Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo.
25それはあなたがその道にならって、みずから、わなに陥ることのないためである。
26Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwereti.
26あなたは人と手を打つ者となってはならない、人の負債の保証をしてはならない。
27Kana usina chaungaripa nacho, Uchagokutorereiko nhovo dzako pasi pako?
27あなたが償うものがないとき、あなたの寝ている寝床までも、人が奪い取ってよかろうか。
28Usabvisa muganhu wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako.
28あなたの先祖が立てた古い地境を移してはならない。あなたはそのわざに巧みな人を見るか、そのような人は王の前に立つが、卑しい人々の前には立たない。
29Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikamwi.
29あなたはそのわざに巧みな人を見るか、そのような人は王の前に立つが、卑しい人々の前には立たない。