1imwi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere.
1子供らよ、父の教を聞き、悟りを得るために耳を傾けよ。
2nekuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu.
2わたしは、良い教訓を、あなたがたにさずける。わたしの教を捨ててはならない。
3nekuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikamwa kwazvo, namai vangu;
3わたしもわが父には子であり、わが母の目には、ひとりのいとし子であった。
4Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame.
4父はわたしを教えて言った、「わたしの言葉を、心に留め、わたしの戒めを守って、命を得よ。
5Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukangamwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu;
5それを忘れることなく、またわが口の言葉にそむいてはならない、知恵を得よ、悟りを得よ。
6Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda.
6知恵を捨てるな、それはあなたを守る。それを愛せよ、それはあなたを保つ。
7Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.
7知恵の初めはこれである、知恵を得よ、あなたが何を得るにしても、悟りを得よ。
8Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.
8それを尊べ、そうすれば、それはあなたを高くあげる、もしそれをいだくならば、それはあなたを尊くする。
9Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.
9それはあなたの頭に麗しい飾りを置き、栄えの冠をあなたに与える」。
10Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.
10わが子よ、聞け、わたしの言葉をうけいれよ、そうすれば、あなたの命の年は多くなる。
11Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
11わたしは知恵の道をあなたに教え、正しい道筋にあなたを導いた。
12Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi.
12あなたが歩くとき、その歩みは妨げられず、走る時にも、つまずくことはない。
13Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nekuti ndihwo hupenyu hwako.
13教訓をかたくとらえて、離してはならない、それを守れ、それはあなたの命である。
14Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata.
14よこしまな者の道に、はいってはならない、悪しき者の道を歩んではならない。
15Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako.
15それを避けよ、通ってはならない、それを離れて進め。
16nekuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.
16彼らは悪を行わなければ眠ることができず、人をつまずかせなければ、寝ることができず、
17nekuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokumwa waini yokumanikidza.
17不正のパンを食らい、暴虐の酒を飲むからである。
18Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.
18正しい者の道は、夜明けの光のようだ、いよいよ輝きを増して真昼となる。
19Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.
19悪しき人の道は暗やみのようだ、彼らは何につまずくかを知らない。
20Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.
20わが子よ、わたしの言葉に心をとめ、わたしの語ることに耳を傾けよ。
21Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako.
21それを、あなたの目から離さず、あなたの心のうちに守れ。
22nekuti ndihwo hupenyu kuna vanowawana, Noukukutu bwemuviri yavo yose.
22それは、これを得る者の命であり、またその全身を健やかにするからである。
23Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nekuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.
23油断することなく、あなたの心を守れ、命の泉は、これから流れ出るからである。
24Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.
24曲った言葉をあなたから捨てさり、よこしまな談話をあなたから遠ざけよ。
25Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.
25あなたの目は、まっすぐに正面を見、あなたのまぶたはあなたの前を、まっすぐに見よ。
26Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.
26あなたの足の道に気をつけよ、そうすれば、あなたのすべての道は安全である。右にも左にも迷い出てはならない、あなたの足を悪から離れさせよ。
27Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.
27右にも左にも迷い出てはならない、あなたの足を悪から離れさせよ。