1Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.
1わたしは常に主をほめまつる。そのさんびはわたしの口に絶えない。
2Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara.
2わが魂は主によって誇る。苦しむ者はこれを聞いて喜ぶであろう。
3Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete.
3わたしと共に主をあがめよ、われらは共にみ名をほめたたえよう。
4Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kose.
4わたしが主に求めたとき、主はわたしに答え、すべての恐れからわたしを助け出された。
5Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi.
5主を仰ぎ見て、光を得よ、そうすれば、あなたがたは、恥じて顔を赤くすることはない。
6Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose.
6この苦しむ者が呼ばわったとき、主は聞いて、すべての悩みから救い出された。
7Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira.
7主の使は主を恐れる者のまわりに陣をしいて彼らを助けられる。
8Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Wakakomborerwa munhu anovimba naye.
8主の恵みふかきことを味わい知れ、主に寄り頼む人はさいわいである。
9Ityai Jehovha, imwi vatsvene vake; nekuti vanomutya havana chavanoshaiwa.
9主の聖徒よ、主を恐れよ、主を恐れる者には乏しいことがないからである。
10Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.
10若きししは乏しくなって飢えることがある。しかし主を求める者は良き物に欠けることはない。
11Uyai imwi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
11子らよ、来てわたしに聞け、わたしは主を恐るべきことをあなたがたに教えよう。
12Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka?
12さいわいを見ようとして、いのちを慕い、ながらえることを好む人はだれか。
13Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera.
13あなたの舌をおさえて悪を言わせず、あなたのくちびるをおさえて偽りを言わすな。
14Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere.
14悪を離れて善をおこない、やわらぎを求めて、これを努めよ。
15Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.
15主の目は正しい人をかえりみ、その耳は彼らの叫びに傾く。
16Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika.
16主のみ顔は悪を行う者にむかい、その記憶を地から断ち滅ぼされる。
17Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose.
17正しい者が助けを叫び求めるとき、主は聞いて、彼らをそのすべての悩みから助け出される。
18Jehovha ari pedo nevane moyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika.
18主は心の砕けた者に近く、たましいの悔いくずおれた者を救われる。
19Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.
19正しい者には災が多い。しかし、主はすべてその中から彼を助け出される。
20Anochengeta mafupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa.
20主は彼の骨をことごとく守られる。その一つだに折られることはない。
21Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva.
21悪は悪しき者を殺す。正しい者を憎む者は罪に定められる。主はそのしもべらの命をあがなわれる。主に寄り頼む者はひとりだに罪に定められることはない。
22Jehovha anodzikunura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.
22主はそのしもべらの命をあがなわれる。主に寄り頼む者はひとりだに罪に定められることはない。