1Mune nhaurwa yekudarika kowakaipa mukati memoyo wangu ndikati: Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.
1とがは悪しき者にむかい、その心のうちに言う。その目の前に神を恐れる恐れはない。
2nekuti anozvibata kumeso kwake, Achiti zvakaipa zvake hazvingazikamwi zvikavengwa.
2彼は自分の不義があらわされないため、また憎まれないために、みずからその目でおもねる。
3Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera; Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.
3その口の言葉はよこしまと欺きである。彼は知恵を得ることと、善を行う事とをやめた。
4Anofunga zvakaipa panhovo dzake; Anofamba nenzira isina kunaka; Haasemi zvakaipa.
4彼はその床の上でよこしまな事をたくらみ、よからぬ道に身をおいて、悪をきらわない。
5Unyoro bwenyu, Jehovha, hwakasvika kudenga-denga; Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;
5主よ、あなたのいつくしみは天にまで及び、あなたのまことは雲にまで及ぶ。
6Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMwari; Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru; Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.
6あなたの義は神の山のごとく、あなたのさばきは大きな淵のようだ。主よ、あなたは人と獣とを救われる。
7Unyoro bwenyu, Mwari, hwakanaka-naka sei! Vana vavanhu vanondovanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.
7神よ、あなたのいつくしみはいかに尊いことでしょう。人の子らはあなたの翼のかげに避け所を得、
8Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; Muchavamwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu.
8あなたの家の豊かなのによって飽き足りる。あなたはその楽しみの川の水を彼らに飲ませられる。
9Nekuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.
9いのちの泉はあなたのもとにあり、われらはあなたの光によって光を見る。
10Rambai muchiitira vanokuzivai vunyoro bwenyu; Nokururama kwenyu kuna vane moyo yakarurama.
10どうか、あなたを知る者に絶えずいつくしみを施し、心の直き者に絶えず救を施してください。
11Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege kusvikira kwandiri, Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.
11高ぶる者の足がわたしを踏み、悪しき者の手がわたしを追い出すことをゆるさないでください。悪を行う者はそこに倒れ、彼らは打ち伏せられて、起きあがることはできない。
12Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa, Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.
12悪を行う者はそこに倒れ、彼らは打ち伏せられて、起きあがることはできない。