Shona

Norwegian

Job

31

1Ndakaita sungano nameso angu, Zvino ndingatarira musikana seiko?
1En pakt hadde jeg gjort med mine øine, at jeg ikke skulde se på en jomfru.
2nekuti mugove waMwari unobva kumusoro ndeweiko, Nemhaka yowaMasimbaose inobva kudenga ndeyeiko?
2Hvad lodd vilde jeg ellers få av Gud i himmelen, eller hvad arv av den Allmektige i det høie?
3Ko haizi njodzi kuna vasina kururama here, Nokuparadzwa kuna vaiti vezvakaipa here?
3Rammer ikke fordervelse den urettferdige, og ulykke dem som gjør det onde?
4Ko iye haaoni nzira dzangu, Nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?
4Ser ikke han mine veier, og teller han ikke alle mine skritt?
5Kana ndichinge ndafamba nenzira isina maturo, Norutsoka rwangu rwamhanyira zvinonyengera;
5Dersom jeg har faret frem med falskhet, og min fot har hastet til svik
6(Ngandiidzwe pachiyero chakarurama, Kuti Mwari azive kusanyengera kwangu;)
6- la Gud veie mig på rettferds vektskål, og han skal se at jeg er uten skyld -
7Kana kutsika kwangu kuchinge kwatsauka panzira, Nomoyo wangu ukatevera meso angu, Kana gwapa richinge ranamatira pamaoko angu;
7dersom mine skritt har bøid av fra veien, og mitt hjerte har fulgt mine øine, og dersom der er nogen flekk på mine hender,
8Ipapo ini ndidzvare hangu, asi mumwe ngaadye; Zvibereko zvomunda wangu ngazvidzurwe.
8gid da en annen må ete det jeg har sådd, og gid det jeg har plantet, må rykkes op med rot!
9Kana moyo wangu uchinge wanyengerwa nomukadzi, kana ndavandira pamukova wowandaigara naye;
9Dersom mitt hjerte har latt sig dåre for en kvinnes skyld, og jeg har luret ved min næstes dør,
10Ipapo mukadzi wangu ngaakuyire mumwe, Navamwe ngavakotamire pamusoro pake.
10gid da min hustru må male korn* for en annen, og andre menn bøie sig over henne! / {* 2MO 11, 5.}
11nekuti chinhu icho chivi chakashata, Zvirokwazvo, chinhu chakaipa chinofanira kurohwa navatongi.
11For slikt er en skjenselsdåd, det er en misgjerning, hjemfalt til dom;
12nekuti ndiwo moto unopedza kusvikira pakuparadza, Ungadzura zvibereko zvangu zvose.
12det er en ild som fortærer like til avgrunnen; alt mitt gods skulde den gjøre ende på.
13Kana ndichinge ndazvidza mhaka yomuranda wangu kana murandakadzi wangu, Panguva yavakaita nharo neni;
13Har jeg krenket min træls og min trælkvinnes rett, når de hadde nogen trette med mig?
14Ndichaiteiko kana Mwari akasimuka? Kana akandivinga, ndingapindurei kwaari?
14Hvad skulde jeg da gjøre om Gud stod op, og hvad skulde jeg svare ham om han gransket saken?
15Akandiita mudumbu ramai haazi iye akamuitawo here? Ko haazi mumwe akatiumba isu tose mudumbu ramai here?
15Har ikke han som skapte mig i mors liv, skapt også dem, og har ikke en og den samme dannet oss i mors liv?
16Kana ndichinge ndanyima varombo zvavakakumbira, Kana kushaisa meso echirikadzi;
16Har jeg nektet fattigfolk det de ønsket, og latt enkens øine tæres bort?
17Kana ndichinge ndadya chimedu changu ndiri ndoga, Nherera ikasadyawo;
17Har jeg ett mitt brød alene, så den farløse ikke fikk ete av det?
18(Kwete, kubva paujaya hwangu yakakurira kwandiri ndikaita sababa vayo, Ndaiva muperekedzi wayo kubva padumbu ramai vangu;)
18Nei, fra min ungdom av vokste han op hos mig som hos en far, og fra min mors liv av førte jeg henne* ved hånden. / {* enken, JBS 31, 16.}
19Kana ndichinge ndaona munhu achiparara nokushaiwa nguvo, Kana anoshaiwa asina chokufuka;
19Har jeg kunnet se en ulykkelig uten klær eller en fattig uten et plagg å ha på sig?
20Kana chiuno chake chisina kundivonga, Kana asina kudziyirwa nemvere dzamakwai angu;
20Måtte ikke hans lender velsigne mig, fordi han fikk varme sig med ull av mine får?
21Kana ndichinge ndasimudzira nherera ruoko rwangu, nekuti ndakaona kuti ndichabatsirwa pasuwo;
21Har jeg løftet min hånd mot den farløse, fordi jeg var viss på å få medhold i retten?
22Ipapo fudzi rangu ngaribve pabendekete, Ruoko rwangu ngaruvhunike papfupa.
22Gid da min skulder må falle fra sitt ledd, og min arm bli brutt løs fra sin skål!
23nekuti njodzi inobva kuna Mwari yakandityisa, Ndakakoniwa kuita chinhu nokuda koumambo hwake.
23For Guds straff fylte mig med redsel, og mot hans velde maktet jeg intet.
24Kana ndichinge ndavimba nendarama ikava tariro yangu Ndikati kundarama yakaisvonaka, Ndinovimba newe.
24Har jeg satt mitt håp til gullet og sagt til gullklumpen: Du er min tillit?
25Kana ndichinge ndakafara nekuti fuma yangu yakanga yawanda, Uye nekuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvizhinji;
25Har jeg gledet mig fordi min rikdom blev stor, og fordi min hånd vant mig meget gods?
26Kana ndichinge ndatarisa zuva parinohwinya, Kana mwedzi uchifamba wakachena;
26Når jeg så sollyset, hvorledes det strålte, og månen, hvor herlig den skred frem,
27moyo wangu ukanyengerwa pakavanda, Muromo wangu ukatsvoda ruoko rwangu;
27blev da mitt hjerte dåret i lønndom, så jeg sendte dem håndkyss*? / {* så jeg gjorde mig skyldig i avgudsdyrkelse.}
28Nechinhu ichowo chaiva chaipa chinofanira kurohwa navatongi; nekuti ndinenge ndaramba Mwari ari kumusoro.
28Nei, også det vilde være en misgjerning, hjemfalt til dom; for da hadde jeg fornektet Gud i det høie.
29Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa komuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa;
29Har jeg gledet mig ved min fiendes uferd og jublet når ulykken rammet ham?
30(Zvirokwazvo handina kutendera muromo wangu kutadza, Ndichikumbira nokupanjira kuti afe;)
30Nei, jeg tillot ikke min munn å synde ved å forbanne ham og ønske ham døden.
31Kana vanhu vetende rangu vasina kutaura, vachiti, Ndianiko angawana munhu usina kugutiswa nenyama yake?
31Må ikke mine husfolk vidne at enhver fikk mette sig ved mitt bord?
32Mweni haana kuvata vusiku panzira dzomumusha; Asi ndaizarurira mufambi mikova yangu;
32Aldri måtte en fremmed ligge utenfor mitt hus om natten; jeg åpnet mine dører for den veifarende.
33dai ndaifukidza kudarika kwangu saAdhamu, Ndichivanza zvakaipa zvangu pachipfuva changu;
33Har jeg, som mennesker pleier, skjult mine synder og dulgt min misgjerning i min barm,
34Zvandaitya vanhu vazhinji, Ndikavhunduswa nokushorwa namapoka avanhu, Ndikanyarara, ndikasabuda pamukova,
34fordi jeg fryktet den store mengde og var redd for de fornemme slekters forakt, så jeg tidde stille og ikke gikk ut av min dør?
35Haiwa, dai ndaiva nomunhu anondinzwa! (Tarirai, ndicho chivoneso changu, waMasimbaose ngaandipindure;) dai ndaiva norugwaro rwakanyorwa nomudzivisi wangu!
35Å, om jeg hadde nogen som vilde høre på mig! Se, her er min underskrift*, la den Allmektige svare mig! Å, om jeg hadde det skrift min motpart har satt op! / {* mitt underskrevne innlegg i saken.}
36Zvirokwazvo, ndairutakura pafudzi rangu; Ndairudzika pamusoro wangu sekorona.
36Sannelig, jeg skulde ta det på min skulder, jeg skulde feste det til mitt hode som en krone;
37Ndaimududzira kuwanda kwenhambwe dzangu; Ndaiswedera kwaari somuchinda.
37jeg skulde gjøre ham regnskap for alle mine skritt, som en fyrste skulde jeg møte ham.
38Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri, uchindipa mhosva, Nemihoronga yawo ikachema yose;
38Dersom min aker skriker over mig, og alle dens furer gråter,
39Kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kutenga, Kana ndichinge ndarashisa varidzi vawo upenyu hwavo;
39dersom jeg har fortæret dens grøde uten betaling og utslukket dens eiers liv,
40Ipapo hutumbambeva ngahumerepo panzvimbo yezviyo, Nesora panzvimbo yebhari. Mashoko aJobho apera.
40gid det da må vokse torner på min aker istedenfor hvete og ugress istedenfor bygg! Her ender Jobs ord.