1Rumbidza Jehovha, mweya wangu! Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; Makafukidzwa nokukudzwa noumambo.
1Min sjel, lov Herren! Herre min Gud, du er såre stor, høihet og herlighet har du iklædd dig.
2imwi munozvifukidza nechiedza sechisimiro; Munotatamura kudenga-denga somucheka wetende;
2Han hyller sig i lys som i et klædebon, han spenner himmelen ut som et telt,
3Ndiye anoteya matanda edzimba dzake mumvura; Anoita makore ngoro yake; Anofamba pamusoro pamapapiro emhepo
3han som tømrer i vannene sine høie saler, han som gjør skyene til sin vogn, som farer frem på vindens vinger.
4Anoita mhepo nhume dzake; Nomoto, unopfuta, vashumiri vake;
4Han gjør vinder til sine engler, luende ild til sine tjenere.
5Akateya nheyo dzapasi; Kuti parege kuzununguswa nokusingaperi,
5Han grunnfestet jorden på dens støtter, den skal ikke rokkes i all evighet.
6Makapafukidza nemvura yakadzika sechisimiro; Mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo,
6Du hadde dekket den med dype vann som med et klædebon; vannene stod over fjellene.
7Makati muchituka ikatiza; inzwi rokutinhira kwenyu rakati richinzwika, ikachimbidzika kuenda-
7For din trusel flydde de, for din tordens røst for de hastig bort.
8Makomo akakwira, mipata yakaderera- ikaenda kunzvimbo yamakaigadzirira,
8De steg op til fjellene, fór ned i dalene, til det sted du hadde grunnfestet for dem.
9Makaitarira muganhu, kuti irege kudarika; Kuti irege kudzoka kuzofukidza pasizve.
9En grense satte du, som de ikke skal overskride; de skal ikke vende tilbake for å dekke jorden.
10Anotuma matsime mumipata; Mvura inoyerera napakati pamakomo;
10Han lar kilder springe frem i dalene; mellem fjellene går de.
11Anomwisa mhuka dzose dzesango; Mbizi dzinopedza nyota yadzo.
11De gir alle markens dyr å drikke; villeslene slukker sin tørst.
12Shiri dzokudenga dzinogara paari, Dzinorira pakati pamatavi.
12Over dem bor himmelens fugler; mellem grenene lar de høre sin røst.
13Anodiridza makomo ari padzimba dzake; Pasi panogutiswa nechibereko chamabasa enyu.
13Han vanner fjellene fra sine høie saler; av dine gjerningers frukt mettes jorden.
14Anomeresa uswa bwezvipfuwo, Nemiriwo, inobatsira vanhu; Kuti abudise zvokudya pasi;
14Han lar gress gro for feet og urter til menneskets tjeneste, til å få brød frem av jorden.
15Newaini inofadza moyo womunhu, Namafuta anobwinyisa chiso chake, Nechingwa chinosimbisa moyo womunhu.
15Og vin gleder menneskets hjerte, så den gjør åsynet mer skinnende enn olje, og brød styrker menneskets hjerte.
16Miti yaJehovha inoguta; Iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima;
16Herrens trær mettes, Libanons sedrer som han har plantet,
17Apo panovaka shiri matendere adzo, Kana riri zimudo, miti yemisipiresi ndiyo imba yaro.
17der hvor fuglene bygger rede, storken som har sin bolig i cypressene.
18Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndihwo utiziro bwembira.
18De høie fjell er for stengjetene, klippene er tilflukt for fjellgrevlingene.
19Akatara mwedzi kuti uratidze nguva; Zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.
19Han gjorde månen til å fastsette tidene; solen kjenner sin nedgangstid.
20Munoita rima, usiku ndokuvapo; Panguva iyo mhuka dzose dzedondo dzinobuda.
20Du gjør mørke, og det blir natt; i den rører sig alle dyrene i skogen.
21Vana veshumba vanoomba vachitsvaka zvavangauraya, Vanotsvaka zvokudya zvavo kuna Mwari.
21De unge løver brøler efter rov, for å kreve sin føde av Gud.
22Kana zuva richibuda, dzinoenda hadzo, Dzichindovata mumapako adzo.
22Solen går op, de trekker sig tilbake og legger sig i sine boliger.
23Zvino munhu obudira kubasa rake. Nokumurimo wake kusvikira madekwana.
23Mennesket går ut til sin gjerning og til sitt arbeid inntil aftenen.
24Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nefuma yenyu.
24Hvor mange dine gjerninger er, Herre! Du gjorde dem alle viselig; jorden er full av det du har skapt.
25Hero gungwa, rakakura ibamhi, Mukati maro mune zvinhu zvinokambaira zvisingagoni kuverengwa, Zvipenyu zviduku nezvikuru.
25Der er havet, stort og vidtstrakt; der er en vrimmel uten tall, der er dyr, både små og store.
26Hezvo zvikepe, zvinofamba; Heyo ngwena yamakaumba, kuti itambe mariri.
26Der går skibene, Leviatan*, som du skapte til å leke sig der. / {* SLM 74, 14.}
27Izvi zvose zvinokumirirai, Kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
27Alle venter de på dig, at du skal gi dem deres føde i sin tid.
28Zvamunozvipa imi, ndizvo zvazvinounganidza; Munotadzanura ruoko rwenyu, izvo ndokuguta nezvakanaka.
28Du gir dem, de sanker; du oplater din hånd, de mettes med godt.
29Munovanza chiso chenyu, izvo ndokuvhunduswa; Munozvitorera mweya wazvo, izvo ndokufa, Zvichidzokera kuguruva razvo.
29Du skjuler ditt åsyn, de forferdes; du drar deres livsånde tilbake, de dør og vender tilbake til sitt støv.
30Munotuma mweya wenyu, izvo ndokusikwa; Munovandudza chiso chevhu.
30Du sender din Ånd ut, de skapes, og du gjør jordens skikkelse ny igjen.
31Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafarire mabasa ake;
31Herrens ære være til evig tid! Herren glede sig i sine gjerninger!
32Iye anotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unobata makomo, iwo ndokubudisa utsi.
32Han som ser til jorden, og den bever, som rører ved fjellene, og de ryker.
33Ndichaimbira Jehovha panguva yose youpenyu hwangu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiripo.
33Jeg vil lovsynge Herren så lenge jeg lever; jeg vil synge for min Gud så lenge jeg er til.
34Kurangarira kwangu ngakumufadze; Ndichafara kwazvo muna Jehovha.
34Måtte min tale tekkes ham! Jeg vil glede mig i Herren!
35Vatadzi ngavaparadzwe pasi, Navakaipa ngavarege kuzovapo. Rumbidzai Jehovha, mweya wangu. Hareruya
35Men måtte syndere utryddes av jorden, og ugudelige ikke mere finnes! Min sjel, lov Herren! Halleluja*! / {* d.e. lov Herren.}