Shona

Portuguese: Almeida Atualizada

Proverbs

4

1imwi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere.
1Ouvi, filhos, a instrução do pai, e estai atentos para conhecerdes o entendimento.
2nekuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu.
2Pois eu vos dou boa doutrina; não abandoneis o meu ensino.
3nekuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikamwa kwazvo, namai vangu;
3Quando eu era filho aos pés de meu, pai, tenro e único em estima diante de minha mãe,
4Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame.
4ele me ensinava, e me dizia: Retenha o teu coração as minhas palavras; guarda os meus mandamentos, e vive.
5Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukangamwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu;
5Adquire a sabedoria, adquire o entendimento; não te esqueças nem te desvies das palavras da minha boca.
6Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda.
6Não a abandones, e ela te guardará; ama-a, e ela te preservará.
7Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.
7A sabedoria é a coisa principal; adquire, pois, a sabedoria; sim, com tudo o que possuis adquire o entendimento.
8Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.
8Estima-a, e ela te exaltará; se a abraçares, ela te honrará.
9Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.
9Ela dará � tua cabeça uma grinalda de graça; e uma coroa de glória te entregará.
10Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.
10Ouve, filho meu, e aceita as minhas palavras, para que se multipliquem os anos da tua vida.
11Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
11Eu te ensinei o caminho da sabedoria; guiei-te pelas veredas da retidão.
12Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi.
12Quando andares, não se embaraçarão os teus passos; e se correres, não tropeçarás.
13Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nekuti ndihwo hupenyu hwako.
13Apega-te � instrução e não a largues; guarda-a, porque ela é a tua vida.
14Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata.
14Não entres na vereda dos ímpios, nem andes pelo caminho dos maus.
15Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako.
15Evita-o, não passes por ele; desvia-te dele e passa de largo.
16nekuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.
16Pois não dormem, se não fizerem o mal, e foge deles o sono se não fizerem tropeçar alguém.
17nekuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokumwa waini yokumanikidza.
17Porque comem o pão da impiedade, e bebem o vinho da violência.
18Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.
18Mas a vereda dos justos é como a luz da aurora que vai brilhando mais e mais até ser dia perfeito.
19Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.
19O caminho dos ímpios é como a escuridão: não sabem eles em que tropeçam.
20Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.
20Filho meu, atenta para as minhas palavras; inclina o teu ouvido �s minhas instroções.
21Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako.
21Não se apartem elas de diante dos teus olhos; guarda-as dentro do teu coração.
22nekuti ndihwo hupenyu kuna vanowawana, Noukukutu bwemuviri yavo yose.
22Porque são vida para os que as encontram, e saúde para todo o seu corpo.
23Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nekuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.
23Guarda com toda a diligência o teu coração, porque dele procedem as fontes da vida.
24Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.
24Desvia de ti a malignidade da boca, e alonga de ti a perversidade dos lábios.
25Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.
25Dirijam-se os teus olhos para a frente, e olhem as tuas pálpebras diretamente diante de ti.
26Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.
26Pondera a vereda de teus pés, e serão seguros todos os teus caminhos.
27Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.
27Não declines nem para a direita nem para a esquerda; retira o teu pé do mal.