1Ipapo Jobho akapfuura nokutaura kwake, akati,
1И продолжал Иов возвышенную речь свою и сказал:
2NaMwari mupenyu, iye akanditorera kururama kwangu; nowaMasimbaose akatambudza mweya wangu;
2жив Бог, лишивший меня суда, и Вседержитель, огорчивший душу мою,
3(Nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose, Nomweya waMwari uchiri mumhino dzangu;)
3что, доколе еще дыхание мое во мне и дух Божий в ноздрях моих,
4Zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvisakarurama, Uye rurimi rwangu harungarevi zvinonyengera.
4не скажут уста мои неправды, и язык мой не произнесет лжи!
5Mwari ngaandidzivise ndirege kukururamisirai; Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu.
5Далек я от того, чтобы признать вас справедливыми; доколе не умру, не уступлю непорочности моей.
6Ndinobatisa kururama kwangu, handingakuregi; moyo wangu haungandipi mhaka ndichiri mupenyu.
6Крепко держал я правду мою и не опущу ее; не укорит меня сердце мое во все дни мои.
7Muvengi wangu ngaaite sewakaipa. Uye anondimukira ngaaite seasina kururama.
7Враг мой будет, как нечестивец, и восстающий на меня, как беззаконник.
8nekuti asingadi Mwari ane tariro yeiko, kunyange azviwanira fuma, Kana atorerwa mweya wake naMwari here?
8Ибо какая надежда лицемеру, когда возьмет, когда исторгнет Бог душу его?
9Ko Mwari achanzwa kuchema kwake, Kana achiwirwa nenjodzi here?
9Услышит ли Бог вопль его, когда придет на него беда?
10Ko iye achafarira waMasimbaose, Nokudana kuna Mwari nguva dzose here?
10Будет ли он утешаться Вседержителем и призывать Бога во всякое время?
11Ini ndichakudzidzisai zvoruoko rwaMwari; Izvo zvina waMasimbaose handingazvivanzi.
11Возвещу вам, что в руке Божией; что у Вседержителя, не скрою.
12Tarirai imwi mose makazviona henyu; Zvino makagova vanhu vasina maturo chose neiko?
12Вот, все вы и сами видели; и для чего вы столько пустословите?
13Ndiwo mugove unopiwa munhu akaipa naMwari, Nemhaka yavamanikidzi, yavanopiwa nowaMasimbaose.
13Вот доля человеку беззаконному от Бога, и наследие, какое получают от Вседержителя притеснители.
14Kana vana vake vachiwanda, vourawa nomunondo; Vana vake havangaguti zvokudya.
14Если умножаются сыновья его, то под меч; и потомки его не насытятся хлебом.
15Vana vake, vakasara, vachavigwa vafa, Chirikadzi dzake hadzingachemi.
15Оставшихся по нем смерть низведет во гроб, и вдовы их не будут плакать.
16Kunyange akaunganidza sirivha ikaita seguruva, Nokugadzira zvokufuka zvikaita sevhu;
16Если он наберет кучи серебра, как праха, и наготовит одежд, как брение,
17Angazvigadzira hake iye, asi akarurama ndiye achazvifuka; Asine mhosva ndiye achagovera sirivha.
17то он наготовит, а одеваться будет праведник, исеребро получит себе на долю беспорочный.
18Anovaka imba yake sechifusi, Sechirindo chinoitwa nomurindi.
18Он строит, как моль, дом свой и, как сторож, делает себе шалаш;
19Anovata pasi akafuma, asi haapamhidzizve; Anosvinudza meso ake, asi haachipo.
19ложится спать богачом и таким не встанет; открывает глаза свои, и он уже не тот.
20Zvinotyisa zvinomubata semvura zhinji; dutu remhepo rinomubvuta usiku.
20Как воды, постигнут его ужасы; в ночи похитит его буря.
21Mhepo inobva mabvazuva inomutora ndokuenda hake; Inomutsvaira panzvimbo yake.
21Поднимет его восточный ветер и понесет, и он быстро побежит от него.
22Mwari achamuposha, asingamunzwiri tsitsi, Uchatiza zvokutiza paruoko rwake.
22Устремится на него и не пощадит, как бы он ни силился убежать отруки его.
23Vanhu vacharova maoko pamusoro pake, Vachamuridzira muridzo abve panzvimbo yake.
23Всплеснут о нем руками и посвищут над ним с места его!