Shona

Russian 1876

Job

29

1Zvino Jobho akapfuurazve namashoko ake, akati,
1И продолжал Иов возвышенную речь свою и сказал:
2Haiwa, dai ndaiita hangu sapamwedzi yakare, Sapamazuva andairindwa naMwari;
2о, если бы я был, как в прежние месяцы, как в те дни, когда Бог хранил меня,
3Panguva iyo mwenje wake waivhenekera pamusoro wangu, Ndaifamba ndichivhenekerwa parima nechiedza chake;
3когда светильник Его светил над головою моею, и я при свете Его ходил среди тьмы;
4Sezvandakanga ndakaita pamazuva okusimba kwangu, Panguva iyo hushamwari hwaMwari huchiri patende rangu;
4как был я во дни молодости моей, когда милость Божия была над шатром моим,
5Panguva iyo waMasimbaose achiri neni, Navana vangu vachakandipoteredza;
5когда еще Вседержитель был со мною, и дети мои вокруг меня,
6Panguva iyo pandaitsika paisukwa nomukaka wakafa, Uye dombo raindidururira nzizi dzamafuta!
6когда пути мои обливались молоком, и скала источала для меня ручьи елея!
7Panguva yandaibuda kusuwo reguta, Panguva yandaigadzira chigaro changu padare,
7когда я выходил к воротам города и на площади ставил седалищесвое, –
8Majaya akati achindiona aivanda, Navatana vaisimuka vakaramba vamire;
8юноши, увидев меня, прятались, а старцы вставали и стояли;
9Machinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo;
9князья удерживались от речи и персты полагали на уста свои;
10manzwi avakuru ainyarara, Ndimi dzavo dzainamatira mumikamwa yavo.
10голос знатных умолкал, и язык их прилипал к гортани их.
11nekuti nzeve yakati ichindinzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati richindiona, ndokundipupurira zvakanaka.
11Ухо, слышавшее меня, ублажало меня; око видевшее восхваляло меня,
12Nekuti ndairwira varombo vaichema, Nenhererawo, nowaishaiwa mubatsiri.
12потому что я спасал страдальца вопиющего и сироту беспомощного.
13Ropafadzo yowotandadza yakawira pamusoro pangu, uye ndakaita moyo wechirikadzi uimbe nomufaro.
13Благословение погибавшего приходило на меня, и сердцу вдовы доставлял я радость.
14Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwangu kwaiva senguvo nekorona.
14Я облекался в правду, и суд мой одевал меня, как мантия и увясло.
15Ndaiva meso amapofu, Netsoka dzemhetamakumbo.
15Я был глазами слепому и ногами хромому;
16Ndaiva baba vavaishaiwa; Ndainzvera mhaka yowandakanga ndisingazivi.
16отцом был я для нищих и тяжбу, которой я не знал, разбирал внимательно.
17Ndaivhuna meno avasina kururama, Nokubvuta chaakanga auraya mumeno ake.
17Сокрушал я беззаконному челюсти и из зубов его исторгал похищенное.
18Panguva iyo ndakati, Ndichafira mudendere rangu, Ndichawanza mazuva angu aite sejecha,
18И говорил я: в гнезде моем скончаюсь, и дни мои будут многи, как песок;
19Mudzi wangu wakatandavarira kusvikira kumvura, Dova rinovata usiku hwose padavi rangu.
19корень мой открыт для воды, и роса ночует на ветвях моих;
20Kukudzwa kwangu kunoramba kuri kutsva, Uta hwangu hunoramba uchivandudzwa muruoko rwangu.
20слава моя не стареет, лук мой крепок в руке моей.
21Vanhu vainditeerera nokundimirira, Vainyarara kana ndichivaraira.
21Внимали мне и ожидали, и безмолвствовали при совете моем.
22Havazaitaurazve kana ini ndareva mashoko angu; Kutaura kwangu kwakadonhera pamusoro pavo.
22После слов моих уже не рассуждали; речь моя капала на них.
23Vaindimirira somunhu anomirira mvura; Vaishamisa miromo yavo sevanoshamira mvura yokupedzisira.
23Ждали меня, как дождя, и, как дождю позднему, открывали уста свои.
24Ndaivasekerera kana vasingatsungi; Havana kudzima chiedza chechiso changu.
24Бывало, улыбнусь им – они не верят; и света лица моего они не помрачали.
25Ndaivasanangurira nzira yavo, ndikagara sashe wavo, Ndaigara samambo pahondo, Somunhu anonyaradza vanochema.
25Я назначал пути им и сидел во главе и жил как царь в кругу воинов, как утешитель плачущих.