1Ipapo Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati,
1Господь отвечал Иову из бури и сказал:
2Ndianiko uya anodzima zano rangu achiriita rima Namashoko asine zivo here?
2кто сей, омрачающий Провидение словами без смысла?
3Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; nekuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire.
3Препояшь ныне чресла твои, как муж: Я буду спрашивать тебя, и ты объясняй Мне:
4Iwe wakange uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe.
4где был ты, когда Я полагал основания земли? Скажи, если знаешь.
5Ndianiko akatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko akaiyera norwonzi?
5Кто положил меру ей, если знаешь? или кто протягивал по ней вервь?
6Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndianiko akateya ibwe rayo rekona?
6На чем утверждены основания ее, или кто положил краеугольный камень ее,
7Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, Uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro?
7при общем ликовании утренних звезд, когда все сыны Божии восклицали от радости?
8Kana ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, Panguva yokudzutuka kwaro, richibuda pachizvaro;
8Кто затворил море воротами, когда оно исторглось, вышло как бы изчрева,
9Panguva yandakaita gore nenguva yaro, Uye rima guru uve mucheka wokuriputira nawo;
9когда Я облака сделал одеждою его и мглу пеленами его,
10Panguva.yandakaritarira muganhu waro, Ndikariisira mazariro nemikova,
10и утвердил ему Мое определение, и поставил запоры и ворота,
11Ndikati, Ungasvikira pano, asi haungapfuvuri; Mafungu ako, anozvikudza, achadzivirirwa pano?
11и сказал: доселе дойдешь и не перейдешь, и здесь предел надменным волнам твоим?
12Iwe wakatongoraira mangwanani kubva pakutanga kwamazuva ako here, Ukaratidza mambakwedza nzvimbo yawo here?
12Давал ли ты когда в жизни своей приказания утру и указывал ли заре место ее,
13Kuti abate migumo yenyika, Vakaipa vazuzwe vabve pairi here?
13чтобы она охватила края земли и стряхнула с нее нечестивых,
14Zvinoshanduka sevhu kana richitsikwa nechisimbiso, Zvinhu zvose zvichionekwa sapanguvo.
14чтобы земля изменилась, как глина под печатью, и стала, как разноцветная одежда,
15Vakaipa vanodzitirirwa chiedza chavo, Ruoko, runozvikudza, runovhuniwa.
15и чтобы отнялся у нечестивых свет их и дерзкая рука их сокрушилась?
16Iwe wakatongopinda pamatsime egungwa here? Kana wakatongofamba pakadzikadzika pasi here?
16Нисходил ли ты во глубину моря и входил ли в исследование бездны?
17Masuwo orufu akatongokuzarurirwa here? Kana wakatongoona masuwo omumvuri worufu here?
17Отворялись ли для тебя врата смерти, и видел ли ты врата тени смертной?
18Wakatongonzwisisa upamhi bwenyika here? Dudzira, kana uchizviziva zvose.
18Обозрел ли ты широту земли? Объясни, если знаешь все это.
19Nzira iripiko inoenda kunogara chiedza, Kana riri rima, nzvimbo yaro iripiko?
19Где путь к жилищу света, и где место тьмы?
20Kuti undozviisa kumiganho yazvo, Uye kuti uzive nzira dzinoenda kumusha wazvo here?
20Ты, конечно, доходил до границ ее и знаешь стези к дому ее.
21Unenge unoziva hako, nekuti wakange wakazvarwa panguva iyo! Mazuva ako anenge akawanda kwazvo!
21Ты знаешь это, потому что ты был уже тогда рожден, и число дней твоих очень велико.
22Wakatongopinda panovigwa fuma yamazaya echando here, Kana wakatongoona panovigwa fuma yechimvuramabwe here?
22Входил ли ты в хранилища снега и видел ли сокровищницы града,
23Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, Nezuva rokurwa nehondo here?
23которые берегу Я на время смутное, на день битвы и войны?
24Chiedza chinoparadzaniswa nomutowo upiko, Uye mhepo inobva mabvazuva inopararira seiko panyika?
24По какому пути разливается свет и разносится восточный ветер по земле?
25Ndianiko akacherera boporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo;
25Кто проводит протоки для излияния воды и путь для громоносной молнии,
26Kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, Parenje pasina vanhu;
26чтобы шел дождь на землю безлюдную, на пустыню, где нет человека,
27Kuti ivhu rakasiiwa nerakaparadzwa rigutswe; Uye bumhudza rimereswe here?
27чтобы насыщать пустыню и степь и возбуждать травные зародыши к возрастанию?
28Ko mvura inonaya inababa here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova?
28Есть ли у дождя отец? или кто рождает капли росы?
29Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? Uye chando chokudenga ndianiko akachibereka?
29Из чьего чрева выходит лед, и иней небесный, – кто рождает его?
30Mvura inogwamba sebwe, Gungwa rakadzika rinogwamba pamusoro paro.
30Воды, как камень, крепнут, и поверхность бездны замерзает.
31Ko iwe ungasunga sumbu reChinyamutanhatu, Kana kusunungura zvisungo zveOrionhi here?
31Можешь ли ты связать узел Хима и разрешить узы Кесиль?
32Iwe ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungagona kufambisa Arikituro navanakomana vayo here?
32Можешь ли выводить созвездия в свое время и вести Ас с ее детьми?
33Iwe unoziva mitemo yokudenga here? Iwe ungagona kuraira ushe hwazvo panyika here?
33Знаешь ли ты уставы неба, можешь ли установить господство его на земле?
34Ko iwe ungasvitsa inzwi kumakore, Kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here?
34Можешь ли возвысить голос твой к облакам, чтобы вода в обилии покрыла тебя?
35Iwe ungagona kutuma mheni, kuti dzifambe, Dzichiti kwauri, Tiri pano, here?
35Можешь ли посылать молнии, и пойдут ли они и скажут ли тебе: вот мы?
36Ndianiko akaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko akapa nyeredzi njere?
36Кто вложил мудрость в сердце, или кто дал смысл разуму?
37Ndianiko angagona kuverenga makore nohuchenjeri hwake here? Kana ndianiko angagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga?
37Кто может расчислить облака своею мудростью и удержать сосуды неба,
38Kana guruva richiungana pamwechete, Namavhinga achinamatirana here?
38когда пыль обращается в грязь и глыбы слипаются?
39Ko iwe ungavhimira shumbakadzi, Kana kugutsa vana veshumba here?
39Ты ли ловишь добычу львице и насыщаешь молодыхльвов,
40Kana idzo dzichitsivama panzvimbo dzadzo, Nokurambira pakavanda dzichivandira here?
40когда они лежат в берлогах или покоятся под тенью в засаде?
41Ndianiko anogadzirira gunguvo zvokudya zvaro,
41Кто приготовляет ворону корм его, когда птенцы его кричат к Богу,бродя без пищи?