1Kurangarira komoyo ndokomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
1Человеку принадлежат предположения сердца, но от Господа ответ языка.
2Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera zvinangwa.
2Все пути человека чисты в его глазах, но Господь взвешивает души.
3Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, Zvawakarangarira zvigoitika.
3Предай Господу дела твои, и предприятия твои совершатся.
4Jehovha akaitira chinhu chimwe ,nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa wakaitirwa zuva rakaipa,
4Все сделал Господь ради Себя; и даже нечестивого блюдет на день бедствия.
5mumwe nomumwe unomoyo unozvikudza, anonyangadza Jehovha Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa.
5Мерзость пред Господом всякий надменный сердцем; можно поручиться, что он не останется ненаказанным.
6Zvakaipa zvinodzikunurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.
6Милосердием и правдою очищается грех, и страх Господень отводит от зла.
7Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, Anomuyananisira kunyange namapfumo ake.
7Когда Господу угодны пути человека, Он и врагов его примиряет с ним.
8Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, Pakuva nefuma zhinji nokusarurama.
8Лучше немногое с правдою, нежели множество прибытков с неправдою.
9moyo womunhu anozvifungira nzira yake; Asi Jehovha anorairira kufamba kwake.
9Сердце человека обдумывает свой путь, но Господь управляет шествием его.
10Miromo yamambo inotema zviga zvazvokwadi; Muromo wake haungaposhi pakutonga.
10В устах царя – слово вдохновенное; уста его не должны погрешать на суде.
11Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri, chinobva kuna Jehovha; Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake.
11Верные весы и весовые чаши – от Господа; от Него же все гири в суме.
12Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa; nekuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
12Мерзость для царей – дело беззаконное, потому что правдою утверждается престол.
13Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Anotaura zvinhu zvakarurama anodikamwa naye.
13Приятны царю уста правдивые, и говорящего истину он любит.
14Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu akachenjera anokunyaradza.
14Царский гнев – вестник смерти; но мудрый человек умилостивитего.
15Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo; Kana achifarira munhu zvakaita segore remvura yokupedzisira.
15В светлом взоре царя – жизнь, и благоволение его – как облако с поздним дождем.
16Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha.
16Приобретение мудрости гораздо лучше золота, и приобретение разума предпочтительнее отборного серебра.
17Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake.
17Путь праведных – уклонение от зла: тот бережет душу свою, ктохранит путь свой.
18Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.
18Погибели предшествует гордость, и падению – надменность.
19Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.
19Лучше смиряться духом с кроткими, нежели разделять добычу с гордыми.
20Anoteerera shoko,achawana zvakanaka Anovimba naJehovha,anomufaro.
20Кто ведет дело разумно, тот найдет благо, и кто надеется на Господа, тот блажен.
21Anomoyo wakachenjera achanzi akangwara;Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo
21Мудрый сердцем прозовется благоразумным, и сладкая речь прибавит к учению.
22Njere itsime roupenyu kuna vanadzo;Asi kuraira kwamapenzi hupenzi
22Разум для имеющих его – источник жизни, а ученость глупых – глупость.
23Moyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake Uchawedzera dzidzo pamiromo yake
23Сердце мудрого делает язык его мудрым и умножает знание в устах его.
24Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi,Zvinotapira kumweya zvichiporesa mafupa.
24Приятная речь – сотовый мед, сладка для души и целебна для костей.
25Munhu anoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
25Есть пути, которые кажутся человеку прямыми, но конец их путь к смерти.
26Nzara yomubati inomubatira;nokuti muromo wake unomukurudzira.
26Трудящийся трудится для себя, потому что понуждает его к тому рот его.
27Munhu asina maturo; anofungira vamwe zvakaipa; Pamiromo yake panomoto unopisa.
27Человек лукавый замышляет зло, и на устах его как бы огонь палящий.
28Munhu akatsauka anokusha kukakavara; Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodanana.
28Человек коварный сеет раздор, и наушник разлучает друзей.
29Munhu anomanikidza,anonyengedzera wokwake,Achimutungamirira panzira isina kunaka.
29Человек неблагонамеренный развращает ближнего своего и ведет его на путь недобрый;
30Munhu anotsinzina meso ake,Anozviita kuti afunge zvakatsauka ,Anorumana miromo yake anoita zvakashata.
30прищуривает глаза свои, чтобы придумать коварство; закусывая себегубы, совершает злодейство.
31Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka,Inowanikwa panzira yokururama.
31Венец славы – седина, которая находится на пути правды.
32Anomoyo murefu anopfuura ane simba; Anodzora mweya wake, anopfuura anotapa musha.
32Долготерпеливый лучше храброго, и владеющий собою лучше завоевателя города.
33Mijenya inokandirwa panguvo dzechifuva;Asi zviga zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha.
33В полу бросается жребий, но все решение его - от Господа.