1Mashoko aAguri, mwanakomana waJake; chirevo chake. Murume anoti kuna Itieri, kuna Itieri naUkari,
1Слова Агура, сына Иакеева. Вдохновенные изречения, которые сказал этот человек Ифиилу, Ифиилу и Укалу:
2Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura vanhu vose; Handine njere dzomunhu.
2подлинно, я более невежда, нежели кто-либо из людей, и разума человеческого нет у меня,
3Handina kudzidza uchenjeri, Uye handina zivo yoMutsvene.
3и не научился я мудрости, и познания святых не имею.
4Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguvo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
4Кто восходил на небо и нисходил? кто собрал ветер в пригоршни свои? кто завязал воду в одежду? кто поставил все пределы земли? какое имя ему? и какое имя сыну его? знаешь ли?
5Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; Ndiye nhovo yavose vanovanda maari.
5Всякое слово Бога чисто; Он – щит уповающим на Него.
6Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhosva, uwanikwe une nhema.
6Не прибавляй к словам Его, чтобы Он не обличил тебя, и ты не оказалсялжецом.
7Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; Musandirambira izvo, ndisati ndafa.
7Двух вещей я прошу у Тебя, не откажи мне, прежде нежели я умру:
8Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; Regai kundipa urombo kana fuma; Mundigutse nezvokudya zvakandifanira;
8суету и ложь удали от меня, нищеты и богатства не давай мне, питай меня насущным хлебом,
9Ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti, Jehovha ndianiko? Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, Ndimhure zita raMwari wangu.
9дабы, пресытившись, я не отрекся Тебя и не сказал: „кто Господь?" и чтобы, обеднев, не стал красть и употреблять имя Бога моего всуе.
10Rega kuudzisira muranda kuna tenzi vake, Arege kukutuka, ukanzi une mhosva.
10Не злословь раба пред господином его, чтобы он не проклял тебя, и ты не остался виноватым.
11Rudzi ruriko runotuka baba varwo, Rusingaropafadzi mai varwo.
11Есть род, который проклинает отца своего и не благословляет матери своей.
12Rudzi ruriko runoti pakuona kwedu takachena kwazvo, Asi rusina kunatswa patsvina yarwo.
12Есть род, который чист в глазах своих, тогда как не омыт от нечистот своих.
13Rudzi ruriko, meso arwo ana manyawi sei! Mafungiro ameso avo akakwidzwa.
13Есть род – о, как высокомерны глаза его, и как подняты ресницы его!
14Rudzi ruriko, meno ago akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, Kuti rupedze varombo panyika, navanoshaiwa pakati pavanhu.
14Есть род, у которого зубы – мечи, и челюсти – ножи, чтобы пожирать бедных на земле и нищих между людьми.
15Chikweva ropa chinavakunda vaviri, vanoti, Ndipe! Ndipe! Zvinhu zvitatu zviriko zvisingatongoguti, Zvina zvisingatongoti, Zvaringana!
15У ненасытимости две дочери: „давай, давай!" Вот три ненасытимых, и четыре, которые не скажут: „довольно!"
16Sheori; nechizvaro chisingabereki; Pasi pasingaguti mvura; Nomoto, usingati, Zvaringana!
16Преисподняя и утроба бесплодная, земля, которая не насыщается водою, и огонь, который не говорит: „довольно!"
17Ziso rinoseka baba, Rinoshora kuteerera mai, Makunguvo omupata acharinongora, Vana vegondo vacharidya.
17Глаз, насмехающийся над отцом и пренебрегающий покорностью к матери,выклюют вороны дольные, и сожрут птенцы орлиные!
18Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti:
18Три вещи непостижимы для меня, и четырех я не понимаю:
19Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba komurume nomusikana.
19пути орла на небе, пути змея на скале, пути корабля среди моря и пути мужчины к девице.
20Ndizvo zvakaita kufamba komukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, Handina kuita chinhu chakaipa.
20Таков путь и жены прелюбодейной; поела и обтерла рот свой, и говорит: „я ничего худого не сделала".
21Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;
21От трех трясется земля, четырех она не может носить:
22Nokuda komuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;
22раба, когда он делается царем; глупого, когда он досыта ест хлеб;
23Nokuda komukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.
23позорную женщину, когда она выходит замуж, и служанку, когда она занимает место госпожи своей.
24Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti:
24Вот четыре малых на земле, но они мудрее мудрых:
25Majuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha;
25муравьи – народ не сильный, но летом заготовляют пищу свою;
26Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo;
26горные мыши – народ слабый, но ставят домы свои наскале;
27Mhashu hadzina mambo , Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka;
27у саранчи нет царя, но выступает вся она стройно;
28Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo.
28паук лапками цепляется, но бывает в царских чертогах.
29Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti:
29Вот трое имеют стройную походку, и четверо стройно выступают:
30Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi;
30лев, силач между зверями, не посторонится ни перед кем;
31Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake.
31конь и козел, и царь среди народа своего.
32Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako.
32Если ты в заносчивости своей сделал глупость и помыслил злое, то положи руку на уста;
33nekuti mukaka warozva unobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzambandidzirwa dzinobudisa kukakavara.
33потому что, как сбивание молока производит масло, толчок в нос производит кровь, так и возбуждение гнева производит ссору.