1Inzwai chinhu ichi, imwi vanhu vose; Teererai, imwi mose mugere panyika;
1(48:1) Начальнику хора. Сынов Кореевых. Псалом. (48:2) Слушайте сие, все народы; внимайте сему, все живущие во вселенной, –
2imwi vaduku navanokudzwa, Vafumi navarombo pamwechete.
2(48:3) и простые и знатные, богатый, равно как бедный.
3Muromo wangu uchataura huchenjeri; Uye kufunga komoyo wangu kuchava nenjere.
3(48:4) Уста мои изрекут премудрость, и размышления сердца моего – знание.
4Ndicharerekera nzeve yangu inzwe mufananidzo; Ndichadudza shoko rangu rakavanzika nembira.
4(48:5) Приклоню ухо мое к притче, на гуслях открою загадку мою:
5Ndichatya neiko pamisi yezvakaipa, Kana zvakaipa, zvavari pazvitsitsinho zvangu, zvichindikomba?
5(48:6) „для чего бояться мне во дни бедствия, когда беззаконие путей моих окружит меня?"
6Ivo, vanovimba nefuma yavo, Vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwefuma yavo;
6(48:7) Надеющиеся на силы свои и хвалящиеся множеством богатствасвоего!
7Hapana angatongodzikunura hama yake, Kana kupa Mwari rudzikunuro pamusoro pake;
7(48:8) человек никак не искупит брата своего и не даст Богу выкупа за него:
8(Nokuti rudzikunuro rwemweya yawo runokosha, Runofanira kuregwa nokusingaperi;)
8(48:9) дорога цена искупления души их, и не будет того вовек,
9Kuti arambe ari mupenyu misi yose, Arege kuona kuora.
9(48:10) чтобы остался кто жить навсегда и не увидел могилы.
10nekuti anoona kuti vachenjeri vanofa, Benzi neasina njere vanopera pamwechete, Vachisiira vamwe fuma yavo.
10(48:11) Каждый видит, что и мудрые умирают, равно как и невежды ибессмысленные погибают и оставляют имущество свое другим.
11Murarangariro wavo wechomukati ndiwo kuti dzimba dzavo dzichagara nokusingaperi, Nougaro hwavo kusvikira kumarudzi avo ose; Nyika dzavo vanodzitumidza mazita avo.
11(48:12) В мыслях у них, что домы их вечны, и что жилища их в род и род, и земли свои они называют своими именами.
12Asi munhu haagari achikudzwa, Akafanana nemhuka dzinopera.
12(48:13) Но человек в чести не пребудет; он уподобится животным, которыепогибают.
13Iyi ndiyo nzira yamapenzi; Kunyange zvakadaro vanhu vanovatevera vachitenda zvavanotaura.
13(48:14) Этот путь их есть безумие их, хотя последующие за ними одобряют мнение их.
14Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchavafudza; Vakarurama vachabata ushe pamusoro pavo mangwanani; Chimiro chavo ndechekuparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.
14(48:15) Как овец, заключат их в преисподнюю; смерть будет пасти их, и наутро праведники будут владычествовать над ними; сила их истощится; могила – жилище их.
15Asi Mwari achadzikunura mweya wangu pasimba reSheori, nekuti iye achandigamuchira.
15(48:16) Но Бог избавит душу мою от власти преисподней, когда примет меня.
16Usatya hako iwe kana mumwe munhu achifumiswa, Kana fuma yeimba yake ichiwedzerwa.
16(48:17) Не бойся, когда богатеет человек, когда слава дома его умножается:
17Nekuti kana achifa hapana chaachaenda nacho; Mukurumbira wake haungaburuki uchimutevera.
17(48:18) ибо умирая не возьмет ничего; не пойдет за ним слава его;
18Kunyange paupenyu hwake waikorokotedza mweya wake (Kunyange vanhu vaikurumbidza kana uchizviitira zvakanaka),
18(48:19) хотя при жизни он ублажает душу свою, и прославляют тебя, что ты удовлетворяешь себе,
19Achaenda iye kurudzi rwamadzibaba ake; Ivo havangatongooni chiedza nokusingaperi.
19(48:20) но он пойдет к роду отцов своих, которые никогда не увидят света.
20Munhu, anokudzwa, asina njere, Akafanana nemhuka dzinopera.
20(48:21) Человек, который в чести и неразумен, подобен животным, которые погибают.