Shona

Russian 1876

Psalms

65

1Imwi Mwari munofanira kurumbidzwa paZiyoni; imwi munofanira kuitirwa mhiko.
1(64:1) Начальнику хора. Псалом Давида для пения. (64:2) Тебе, Боже, принадлежит хвала на Сионе, и Тебе воздастся обет в Иерусалиме .
2imwi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.
2(64:3) Ты слышишь молитву; к Тебе прибегает всякая плоть.
3Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.
3(64:4) Дела беззаконий превозмогают меня; Ты очистишь преступлениянаши.
4Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki bweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.
4(64:5) Блажен, кого Ты избрал и приблизил, чтобы он жил во дворах Твоих. Насытимся благами дома Твоего, святаго храма Твоего.
5Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, imwi Mwari muponesi wedu; imwi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa;
5(64:6) Страшный в правосудии, услышь нас, Боже, Спаситель наш, упование всех концов земли и находящихся в море далеко,
6Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba;
6(64:7) поставивший горы силою Своею, препоясанный могуществом,
7Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu.
7(64:8) укрощающий шум морей, шум волн их и мятеж народов!
8Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko.
8(64:9) И убоятся знамений Твоих живущие на пределах земли . Утрои вечер возбудишь к славе Твоей .
9Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo.
9(64:10) Ты посещаешь землю и утоляешь жажду ее, обильно обогащаешь ее: поток Божий полон воды; Ты приготовляешь хлеб, ибо так устроил ее;
10Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo.
10(64:11) напояешь борозды ее, уравниваешь глыбы ее,размягчаешь ее каплями дождя, благословляешь произрастания ее;
11Munoshongedza mwaka nekorona younaki bwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta.
11(64:12) венчаешь лето благости Твоей, и стези Твои источают тук,
12Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.
12(64:13) источают на пустынные пажити, и холмы препоясываются радостью;
13Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.
13(64:14) луга одеваются стадами, и долины покрываются хлебом, восклицают и поют.