1Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
1Y RESPONDIO Eliphaz el Temanita, y dijo:
2Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava neshungu here? Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake?
2Si probáremos á hablarte, serte ha molesto; Mas ¿quién podrá detener las palabras?
3Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji, Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba.
3He aquí, tú enseñabas á muchos, Y las manos flacas corroborabas;
4Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda.
4Al que vacilaba, enderezaban tus palabras, Y esforzabas las rodillas que decaían.
5Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba, Zvakubata, zvino wotambudzika.
5Mas ahora que el mal sobre ti ha venido, te es duro; Y cuando ha llegado hasta ti, te turbas.
6Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
6¿Es este tu temor, tu confianza, Tu esperanza, y la perfección de tus caminos?
7Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi?
7Recapacita ahora, ¿quién que fuera inocente se perdiera? Y ¿en dónde los rectos fueron cortados?
8Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa Navanodzvara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.
8Como yo he visto, los que aran iniquidad Y siembran injuria, la siegan.
9Vanoparadzwa nomweya waMwari, Vanopedzwa nokufema kokutsamwa kwake.
9Perecen por el aliento de Dios, Y por el espíritu de su furor son consumidos.
10Kunduruma kweshumba nenzwi reshumba inehasha, Nameno evana veshumba anoparadzwa.
10El bramido del león, y la voz del león, Y los dientes de los leoncillos son quebrantados.
11Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa zvingabata; Navana veshumbakadzi vanoparadzirwa.
11El león viejo perece por falta de presa, Y los hijos del león son esparcidos.
12Zvino ndakaziviswa shoko rakavanda; Nzeve yangu yakanzwa zeve-zeve raro.
12El negocio también me era á mí oculto; Mas mi oído ha percibido algo de ello.
13Pandangariro dzinobva pane zvinoonekwa usiku, Kana vanhu vabatwa nehope huru;
13En imaginaciones de visiones nocturnas, Cuando el sueño cae sobre los hombres,
14Kutya nokubvunda kwakandiwira, Kwakabvundisa mafupa angu ose.
14Sobrevínome un espanto y un temblor, Que estremeció todos mis huesos:
15Ipapo mweya wakapfuura pamberi pechiso changu; Mvere dzenyama yangu dzikasimuka.
15Y un espíritu pasó por delante de mí, Que hizo se erizara el pelo de mi carne.
16Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakange uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa inzwi richiti,
16Paróse un fantasma delante de mis ojos, Cuyo rostro yo no conocí, Y quedo, oí que decía:
17Ko munhu, anofa, angakunda Mwari pakururama here? Ko munhu angakunda Muiti wake pakunaka here?
17¿Si será el hombre más justo que Dios? ¿Si será el varón más limpio que el que lo hizo?
18Tarirai, haatendi varanda vake; Vatumwa vake anovapa mhaka achiti mapenzi;
18He aquí que en sus siervos no confía, Y notó necedad en sus ángeles
19Ndoda vanogara mudzimba dzevhu, Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva, Dzinopwanyiwa sezvifusi.
19Cuánto más en los que habitan en casas de lodo, Cuyo fundamento está en el polvo, Y que serán quebrantados de la polilla!
20Vanoparadzwa pakati pamagwanani namadekwana; Vanoparara nokusingaperi, pasina munhu ane hanya nazvo.
20De la mañana á la tarde son quebrantados, Y se pierden para siempre, sin haber quien lo considere.
21Ko bote retende ravo harina kuvhomorwa pamwechete navo here? Vanofa vasina uchenjeri.
21¿Su hermosura, no se pierde con ellos mismos? Mueren, y sin sabiduría.