1Ndichadana kuna Mwari nenzwi rangu; kuna iye Mwari nenzwi rangu, acharerekera nzeve yake kwandiri.
1Al Músico principal: para Jeduthún: Salmo de Asaph. CON mi voz clamé á Dios, A Dios clamé, y él me escuchará.
2Pazuva rokutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe; Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa usiku, ndisingaregi; Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
2Al Señor busqué en el día de mi angustia: Mi mal corría de noche y no cesaba: Mi alma rehusaba consuelo.
3Ndinorangarira Mwari, ndokushaiwa mufaro; Ndinofungisisa, mweya wangu ndokuziya.
3Acordábame de Dios, y gritaba: Quejábame, y desmayaba mi espíritu. (Selah.)
4Hamutenderi meso angu kutsinzina; Ndinotambudzika, handigoni kutaura.
4Tenías los párpados de mis ojos: Estaba yo quebrantado, y no hablaba.
5Ndakarangarira mazuva ekare, Makore enguva dzakare-kare.
5Consideraba los días desde el principio, Los años de los siglos.
6Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pakati pousiku; Ndinotaurirana nomoyo wangu; Mweya wangu wakanzvera kwazvo.
6Acordábame de mis canciones de noche; Meditaba con mi corazón, Y mi espíritu inquiría.
7Ko Ishe angarasha nokusingaperi? Haachazonzwiri tsitsi here?
7¿Desechará el Señor para siempre, Y no volverá más á amar?
8Ko tsitsi dzake dzaenda chose nokusingaperi? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here?
8¿Hase acabado para siempre su misericordia? ¿Hase acabado la palabra suya para generación y generación?
9Ko Mwari akangamwa kuva nenyasha? Apfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamwa kwake here?
9¿Ha olvidado Dios el tener misericordia? ¿Ha encerrado con ira sus piedades? (Selah.)
10Ipapo ndakati, Ndihwo utera hwangu, Asi ndicharangarira makore oruoko rworudyi rweWekumusoro-soro.
10Y dije: Enfermedad mía es esta; Traeré pues á la memoria los años de la diestra del Altísimo.
11Ndichareva zvakaitwa naJehovha; nekuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare.
11Acordaréme de las obras de JAH: Sí, haré yo memoria de tus maravillas antiguas.
12Ndichafungisawo basa renyu rose, Nokurangarira zvamakaita.
12Y meditaré en todas tus obras, Y hablaré de tus hechos.
13Nzira yenyu, Mwari, iri panzvimbo tsvene; Ndianiko mwari mukuru, akafanana naiye Mwari?
13Oh Dios, en santidad es tu camino: ¿Qué Dios grande como el Dios nuestro?
14Ndimi Mwari anoita zvishamiso; Makaratidza simba renyu pakati pavanhu.
14Tú eres el Dios que hace maravillas: Tú hiciste notoria en los pueblos tu fortaleza.
15Makadzikunura vanhu venyu noruoko rwenyu, Ivo vanakomana vaJakove naJosefa.
15Con tu brazo redimiste á tu pueblo, A los hijos de Jacob y de José. (Selah.)
16Mvura zhinji yakakuonai, Mwari; Mvura zhinji yakakuonai, ikatya; Pakadzika pakabvunda.
16Viéronte las aguas, oh Dios; Viéronte las aguas, temieron; Y temblaron los abismos.
17Makore akadurura mvura; Denga rose rakabudisa inzwi; Miseve yenyu yakafambafamba kose.
17Las nubes echaron inundaciones de aguas; Tronaron los cielos, Y discurrieron tus rayos.
18inzwi rokutinhira kwenyu rakanga riri muchamupupuri; Mheni dzakavhenekera nyika; Pasi pakabvunda nokuzununguka.
18Anduvo en derredor el sonido de tus truenos; Los relámpagos alumbraron el mundo; Estremecióse y tembló la tierra.
19Kufamba kwenyu kwakanga kuri mugungwa, Nenzira dzenyu mumvura zhinji-zhinji, Makwara enyu akanga asingazikamwi.
19En la mar fué tu camino, Y tus sendas en las muchas aguas; Y tus pisadas no fueron conocidas.
20Makafambisa vanhu venyu seboka ramakwai, Noruoko rwaMozisi norwaAroni.
20Condujiste á tu pueblo como ovejas, Por mano de Moisés y de Aarón.