1Uvayeudzire kuzviisa pasi pevatungamiriri nemasimba, kuti vateerere vatongi, vakazvigadzira basa rose akanaka,
1Remind them to be in subjection to rulers and to authorities, to be obedient, to be ready for every good work,
2varege kunyomba munhu, varege kuva vebongozozo, vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.
2to speak evil of no one, not to be contentious, to be gentle, showing all humility toward all men.
3Nekuti nesu pacheduwo taimbova matununu, tisingateereri, takatsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivenga, tichivengana.
3For we were also once foolish, disobedient, deceived, serving various lusts and pleasures, living in malice and envy, hateful, and hating one another.
4Kuzoti unyoro nerudo rwaMwari Muponesi wedu kuvanhu zvaonekwa,
4But when the kindness of God our Savior and his love toward mankind appeared,
5kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nokuvandudzwa kweMweya Mutsvene,
5not by works of righteousness, which we did ourselves, but according to his mercy, he saved us, through the washing of regeneration and renewing by the Holy Spirit,
6waakawodzvorera pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu muponesi wedu,
6whom he poured out on us richly, through Jesus Christ our Savior;
7kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu hwusingaperi.
7that, being justified by his grace, we might be made heirs according to the hope of eternal life.
8Ishoko rakatendeka uye zvinhu izvi ndinoda kuti murambe muchisimbisa, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuchengetedza mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu;
8This saying is faithful, and concerning these things I desire that you affirm confidently, so that those who have believed God may be careful to maintain good works. These things are good and profitable to men;
9asi nzvenga mibvunzo yeupenzi, nenhoroondo dzamazita amadzinza, nemakakatamwa nemakakava pamusoro pemurairo, nekuti hazvibatsiri uye hazvina maturo.
9but shun foolish questionings, genealogies, strife, and disputes about the law; for they are unprofitable and vain.
10Munhu unotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umusiye,
10Avoid a factious man after a first and second warning;
11uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye unotadza, achizvipa mhosva amene.
11knowing that such a one is perverted, and sins, being self-condemned.
12Pandichituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nekuti ndakazvipira kugarapo pachando.
12When I send Artemas to you, or Tychicus, be diligent to come to me to Nicopolis, for I have determined to winter there.
13Shingaira kubatsira Zenasi nyanzvi yemutemo naAporo parwendo rwavo kuti varege kushaiwa chinhu.
13Send Zenas, the lawyer, and Apollos on their journey speedily, that nothing may be lacking for them.
14Nevekweduwo ngavadzidze kuchengetedza mabasa akanaka anodikamwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko.
14Let our people also learn to maintain good works for necessary uses, that they may not be unfruitful.
15vose vaneni vanokukwazisa. Kwazisa avo vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.
15All who are with me greet you. Greet those who love us in faith. Grace be with you all. Amen.