World English Bible

Shona

Psalms

10

1Why do you stand far off, Yahweh? Why do you hide yourself in times of trouble?
1Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika?
2In arrogance, the wicked hunt down the weak. They are caught in the schemes that they devise.
2Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga.
3For the wicked boasts of his heart’s cravings. He blesses the greedy, and condemns Yahweh.
3nekuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda moyo wake, Anoruchiva unotuka nokuzvidza Jehovha.
4The wicked, in the pride of his face, has no room in his thoughts for God.
4Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti haangabvunzi. Mwari haamo mundangariro dzake dzose.
5His ways are prosperous at all times. He is haughty, and your laws are far from his sight. As for all his adversaries, he sneers at them.
5Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imwi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora.
6He says in his heart, “I shall not be shaken. For generations I shall have no trouble.”
6Anoti mumoyo make, Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.
7His mouth is full of cursing, deceit, and oppression. Under his tongue is mischief and iniquity.
7Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
8He lies in wait near the villages. From ambushes, he murders the innocent. His eyes are secretly set against the helpless.
8Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira.
9He lurks in secret as a lion in his ambush. He lies in wait to catch the helpless. He catches the helpless, when he draws him in his net.
9Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake.
10The helpless are crushed. They collapse. They fall under his strength.
10Anonyangira, anokambaira pasi, varombo vanowiswa nevanesimba vake.
11He says in his heart, “God has forgotten. He hides his face. He will never see it.”
11Anoti mumoyo make, Mwari akangamwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.
12Arise, Yahweh! God, lift up your hand! Don’t forget the helpless.
12Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukangamwa varombo.
13Why does the wicked person condemn God, and say in his heart, “God won’t call me into account?”
13Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumoyo wake, Hangabvunzi?
14But you do see trouble and grief. You consider it to take it into your hand. You help the victim and the fatherless.
14Mazviona henyu; nekuti munoona zvakaipa nokutambudzika muchizviisa muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera.
15Break the arm of the wicked. As for the evil man, seek out his wickedness until you find none.
15Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani.
16Yahweh is King forever and ever! The nations will perish out of his land.
16Jehovha ndiye Mambo . nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake.
17Yahweh, you have heard the desire of the humble. You will prepare their heart. You will cause your ear to hear,
17Jehovha, makanzwa zvinodikamwa navanyoro; Muchasimbisa moyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu;
18to judge the fatherless and the oppressed, that man who is of the earth may terrify no more.
18Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.